Mudzidzisi wezvidzidzo zvebudiriro paMidlands State Univeristy, VaVincent Chakunda, vachitaura semuongorori akazvimirira, vati huwori hunodzorera budiriro yenyika zvakanyanya vakatsinhirawo kuti ZACC inofanirwa kuita ongororo pamusoro pezvakabuda mugwaro raAuditor General.
Hurumende inoti ichatorera marezenisi makambani ezvemafuta kana akaramba achiita zvisina tsarukano zvainoti zviri kukonzera kushaikwa kwemafuta edzimotokari mumagaraji
Mutungamiri weMovement for Democratic Change, VaNelson Chamisa, vanzwa kutambura kuri kuita veruzhinji apo vashanyira misha inogara veruzhinji muHarare.
Kunyange hazvo dhora rekuAmerica rakamboti dererei huremu zvichienzaniswa nemari yemunyika yemaRTGS, zvinhu zvichiri kuramba zvichidhura zvakanyanya.
VaNkomo, avo vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika panguva yavakashaya, vakaberekwa mugore ra1917, vakazotangawo zvematongerwo enyika, izvo zvakazoita kuti vaumbe bato reNational Democratic Party muna 1960.
Mapurisa ange akapakatira zvombo nehutsi hunokatyidza afumo bata jongwe muromo munzvimbo dzakawanda munyika achida kudzivirira kuratidzira kwange kwakarongwa nesangano reTajamuka.
Vatsigiri venhabvu munyika vanoti havachazive pfumo rovobaya mushure mekubuditswa mumakwikwi eAfrican Cup of Nations kuEgypt nezuro
Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube nagavhuna weRBZ VaJohn Mangudya avo vange vari mudare reparamende nhasi vatenda kuti vanhu havasi kunzwisisa nezvekuparurwa kwedhora reZimbabwe chete kuti rishandiswe munyika pachubviswa dzimwe mari dzekunze.
Nhasi, 1 July, pave nemakore makumi maviri kubva zvashaika vaimbove mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaJoshua Nkomo.
Sangano reTajamuka/Sesijikile rinoti kuratidzira kwaro murunyararo kuburikidza nekusaenda kumabasa kwevashandi kuri kuenderera mberi kutanga mangwana Muvhuro kusvika Chishanu sekurongwa kwavakaita.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vari mukuru wesangano ravana chipangamazano, re Labour and Economic Research Instistute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti Zimbabwe inofanirwa kugadzirisa hupfumi hwenyika kuitira kuti mari yemunyika ive nechiremera.
Gurukota rezvevashandi Amai Sekai Nzenza vanoti hurumende iri kugadzirisa nyaya dzekodzero dzevashandi kuburikidza nemisangano yeTripartite Negotiating Forum kana kuti TNF nekudaro hapana chikonzero chekuti sangano reInternational Labour Orgnanization ritumire chikwata chevaongorori.
Rodhai zvimwe