Mumwe chiremba akabatsira VaSahumbe vari nhengo yeZADHR Doctor Milton Marowa vanoti vakayedza zvose zvavanogona kuvabatsira asi zvakakona nekuti vainge vanyanya kukuvara.
Nzvimbo dzakawanda dzasara dzakachena nhasi mushure mekunge mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, makurukota avo, nhengo dzeparamende nevemabhizimisi, vabatana neveruzhinji mukuchenesa nzvimbo dzavanoshandira nekugara.
Sangano rinorwira kodzero dzevana, reZimbabwe National Council for the Welfare of Children, rinoti harisikufara nemabatirwo arikuitwa vana vakasungwa panguva yekuratidzira masvondo maviri apfuura.
Nyanzvi dzezvematongerwo enyika pamwe nenyaya dzehupfumi dzinoti kusaremekedzwa kwemitemo, huori uye kutadza kufambiswa kwemari dzenyika nemazvo, zvimwe zvezvinhu zviri kukonzera kuti Zimbabwe ipinde parumananzombe pairi.
Komisheni inoona nezvekurwisa huori inonzi yakamanikidzwa kusiya basa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ichipomerwa mhosva yekutadza kuchuchisa nyaya dzehuori munyika zvikuru dzemamwe makurukota ainge ari muhurumende yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Musangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council maita kusawirirana kunotyisa vamwe vachiti kuramwa mabasa ngakutange asi vamwe vachiti vanofanira kupa hurumende nguva uye zvinhu hazvina kugadzikana parizvino.
Vagari vemudhorobha reMasvingo vanoti havasi kufara nedanho rakatorwa nekanzuru yavo nezuro rekuti itengere vakuru vemapazi nharembozha dzichadya mari inodarika zviuru makumi matanhatu zvemadhora ekuAmerica.
Mumiriri weMkoba muparamende, VaAmos Chibaya, vacharamba vari mutirongo kusvika musi weMugovera zvichitevera kubvuma kwaita mumwe mutongi wedare chikumbiro chemuchuchisi chekuti varambe vari muhusungwa mapurisa achipedzisa kuferefeta nyaya iyi.
Vachitaura mushure memusangano waitwa neChina pakati penhengo dzeZimbabwe Council of Churches nenhengo dzeparamende muguta reHarare, Mufundisi Emmanuel Maforo, vati matambudziko ese ari munyika ari kukonzerwa nezvematongerwo enyika, nokudaro anofanirwa kugadziriswa.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakadoma chikwata chevanhu makumi maviri nevatanhatu chichashanda savanachipangamazano kwavari kana kuti Presidential Advisory Council.
Mapato madiki matatu anopikisa asangana muHarare akabuda nechisungo chekutanga kutaudzana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri webato guru rinopikisa, VaNelson Chamisa, kuitira kuti paitwe nhaurirano munyika.
Mumiriri weHarare East muNational Assembly, VaTendai Biti, veMDC ndivo vabvunza VaZiyambi kuti ndiwo wave mutemo here wehurumende kutyora kodzero dzevanhu pamwe nekusatevedza bumbiro remitemo yenyika sezvo mauto nemapurisa ari kutyora kodzero dzevanhu.
Rodhai zvimwe