Kunyange hazvo mvura yakaturuka, vakawanda mudunhu reMashonaland West vanoti havasati vaisa mbeu pasi sezvo vasina zvekurimisa, kushaya mbeu pamwe nefotereza izvo zviri kudhura zvakanyanya.
Hutungamiri hwesangano revadzidzisi vekumaruwa reARTUZ hwamiswa pamberi pedare ramejastiriti muHarare nhasi huchipomerwa mhosva yekutyora mutemo weCriminal Law Codification Reform Act
Asi gurukota rezvevashandi, Muzvinafundo Mavhimam vanoti hurumende haina zvaichakwanisa kuita mugore rino, vachiti zvekuwedzera vashandi mari zvinotozotarisirwa kuzoiswa mubhajeti regore rinouya.
Imwe nyanzvi mune zvehupfumi inoti kugadzirisa zviri kunetsa munyika kunoda kubatana kwete zve umbimbindoga.
Asi mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi varamba mashoko ekuti mapurisa ashandisa mabhara anouraya, vachiti hapana kumboridzwa pfuti, asi kuti mapurisa angoshandisa chete utsi hunokachidza.
Vanhu varatidzira ava vaita izvi kuburikidza nekurara pasi panguva iyo VaMoyo vanga vachitura mashoko avo kuvanhu vaungana pachiitiko ichi, uye vati vatora danho iri senzira yeratidza hurumende kutsutsumwa kwavo nekushaikwa kwemishonga uye vanachiremba muzvipatara zvehurumende.
United Nations Population Fund nemusi weChina svondo rapfuura yakaparura muzinda wekupotera kana vasangana nemhirizhonga yemudzimba kana kumbunyikidzwakana kuti One Stop Centre.
Sangano iri rinoti kana hurumende yakasagadzirisa gakava iri navanachiremba vari kuramwa mabasa ava, hupenyu hwevanhu vakawanda hucharamba huri munjodzi, vanhu vakwanda vachifa.
Chipatara cheKaranda chinonzi chakavakirwa kuti chibatsire vanhu vari pakati pezviuru zvisere nezviuru zvipfumbamwe zvevanhu vanogara munharaunda yedunhu reMt. Darwin pagore, asi iye zvino chinonzi chave kubatsira vanhu vanodarika makumi maviri ezviuru pagore.
Magweta anodarika makumi matanhatu aratidzira kubva padare repamusoro reHigh Court kuenda kumahofisi egurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika VaKazembe Kazembe pamwe nekumuzinda wemapurisa uko kwaanosiya magwaro enyunyuto.
Achitaura pamhemberero dzaitwa pamuzinda weparamende Madzivire, ati vechidiki vari kusiiwa nehurumende pamwe neparamende panoumbwa mitemo pamwe nepanotorwa matanho ane chekuita navo uye izvi hazvina kunaka.
Amai Mliswa-Chikoka vaudza vatori venhau kuti huwandu hwevanhu vauya nhasi hwakonzerwawo nemashoko ari kutenderera pamadandemutande ekuti mari yekutora pasipoti iri kukwira kubva svondo rinouya neMuvhuro.
Rodhai zvimwe