Kubva pakaziviswa zvakabuda musarudzo dzegore rapera, izvo zvairatidza kuti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika, bato rinopikisa reMDC rakatora danho rekuramba kuvacherechedza semutungamiri wenyika, richiti VaMnangagwa vakakundwa naVaChamisa.