Vachitaura kumucheto kwemabiko ekutoresa mhiko makurukota avo kuState House muHarare neMuvhuro, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati vane chivimbo chekuti vachabudirira.
Imwezve tsaona yakatora hupenyu hwevanhu makumi maviri nevaviri ku Tsholotsho ku Matabeleland North neMugovera.
Vamwe vanhu vari kuchema-chema vachiti komiti yeparamende inoona nezvemitemo yavashaisa mukana wekupa maonero avo pamusoro pemitemo miviri iri kuda kugadziriswa, inoti Electoral Amendment Bill pamwe neInsolvency Bill.
Madzimai akazvitakura muZimbabwe ari kukoshesa kuenda kune vezveutano kunoongororwa nhumbu dzavo inonzi pachirungu Antenatal Care visits “ANC” zvichienzaniswa nemakore akare.
Vanotengesera mumigwagwa vanonzi nhasi vaswera vachiita hwakiti nagonzo nemapurisa ekanzuru, mapurisa eZimbabwe Republic Police, pamwe nemauto, avo vari kurwisa kuda kuburitsa vanotengesera mumigwagwa kubva mukati meguta.
Vanoongorora zvemari nehupfumi vanoti zvematongerwo enyika zvakakonzera kuti kutengeserana ku Zimbabwe Stock Exchange kudzikire mumwedzi wapera.
Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vatoresa mhiko makurukota ehurumende yavo kusanganisira makurukota anomirira matunhu pamwe nemuchuchusi mukuru.
Vamwewo anoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kubato reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti vanhu ngavarege kukasika kumedza kutsenga vachada sezvo VaMnangagwa vachangotanga basa vasati varatidza nyika zvavakapfumbata.
Mapato anopikisa anoti haasi kutambira nemufaro dare remakurukota rakadomwa nemusi weChina nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutauriri weZanu PF, Ambassador Simon Khaya-Moyo vaudza bepanhau reSunday Mail kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vane shoko rekupedzisira pakudomwa kwevatevedzeri vavo.
Vemachechi vanoti zvingabatsira chose kana vakuru-vakuru vemuhurumende vakapotawo vachibvunza vakuru vemachechi pezvinhu zvingabatsira nyika mukuti vanhu vagarisane murunyararo.
Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva revakaremara, reInternational Day of Persons with Disabilities, vakaremara vachiti kunyange vachicherechedza zuva iri, hapana zvikuru zviri kuitwa nehurumende kurerutsa hupenyu hwavo
Rodhai zvimwe