Apo Zimbabwe iri kucherechedza zuva remagamba vamwe vanoti zvakarwirwa muhondo yerusununguko zviri kuzadzikiswa, asi vamwe vachitiwo kutambura kuri kuita vana veZimbabwe, chiratidzo chekuti nyika haisisiri mugwara raitarisirwa nevakarwira nyika.
Dzimwe mhuri dzemagamba akafa muhondo yemuChinhoyi iyo yakatangisa hondo yechimurenga chakaunza rusununguko munyika dzinoti dzinofanirwa kupihwa ruyamuro sezviri kuitwa hama dzemamwe magamba.
Kudzimwa dzimwa kuri kuitwa magetsi neZESA munyika yese kuchavhiringidza hutano hwevanhu vakawanda nokuti vanhu vazhinji havasi kuwana zororo sezvo varikushanda nguva dzavanenge vachifanira kunge vakazorora.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vakurudzira kuti munyika muve nerunyararo uye kuti musaitwe zvemhirizhonga vachiti hurumende yavo iri kuedza kugadzirisa matambudziko ese akatarisana nenyika.
Chikwata cheTriangle chakashura mare nezuro mumakwikwi eCAF Confederation Cup mushure mekudambura chikwata cheRukinzo chekuBurundi.
Nhasi kuNational Heroes Acre, Zimbabwe inocherechedza zuva remagamba, vanhu vachipiwa mukana wekurangarira nekukudza avo vakazvipira kusunungura nyika uye neavo vakaishandira nemoyo wose.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC, VaLuke Tamborinyoka, vanoti havasi kuzorangarira nhengo dzebato ravo chete, asi kuti vanokoshesa hondo yeChimurenga nevakafira Zimbabwe vachiti basa ravo seMDC, kuzadzikisa zvakaenderwa kuhondo.
Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, uye vari nhengo yeZanu PF, VaEnergy Mutodi, vanoti hurumende haasi kuzopeta maoko ichisiya MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa ichiita mhirizhonga munyika kuburikidza nekuratidzira kwairi kuda kuita nemusi weChishanu.
Murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya, vanoti kuratidzira kwavo kuchaitwa murunyararo sezvo vagara vari bato rinoremekedza mitemo yenyika.
Mukuru wekufambiswa kwebasa muZimbabwe Election Commission mudunhu reMasvingo, VaZex Pudurai, vati kunyoreswa kwevachakwikwidza ava kwaitwa zvakanaka pasina zvanetsa.
Sachigaro vesangano reAfrican Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda, vanoti sangano ravo riri kukurudzirwa nevakasungwa ava kuti rivamirire mukushungurudzwa kwavakaitwa uye kutyorerwa kodzero dzavo.
Munyori aive nemukumbira munyaya dzemitambo, VaStephen Chifunyisa, varadzikwa nhasi kumarinda eGreendale muHarare zvichitevera kushaya kwavo nemusi weMuvhuro mushure mekunetseka nechirwere chegomarara.
Rodhai zvimwe