Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, uye vari nhengo yeZanu PF, VaEnergy Mutodi, vanoti hurumende haasi kuzopeta maoko ichisiya MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa ichiita mhirizhonga munyika kuburikidza nekuratidzira kwairi kuda kuita nemusi weChishanu.
Murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya, vanoti kuratidzira kwavo kuchaitwa murunyararo sezvo vagara vari bato rinoremekedza mitemo yenyika.
Mukuru wekufambiswa kwebasa muZimbabwe Election Commission mudunhu reMasvingo, VaZex Pudurai, vati kunyoreswa kwevachakwikwidza ava kwaitwa zvakanaka pasina zvanetsa.
Sachigaro vesangano reAfrican Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda, vanoti sangano ravo riri kukurudzirwa nevakasungwa ava kuti rivamirire mukushungurudzwa kwavakaitwa uye kutyorerwa kodzero dzavo.
Munyori aive nemukumbira munyaya dzemitambo, VaStephen Chifunyisa, varadzikwa nhasi kumarinda eGreendale muHarare zvichitevera kushaya kwavo nemusi weMuvhuro mushure mekunetseka nechirwere chegomarara.
Mwanakomana wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, Emmerson Mnangagwa Junior aramba mashoko ekuti akakwereta mari kubhanga reCommercial Bank of Zimbabwe akakundikana kudzosera mari yacho.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vamisa basa gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, vachivapomera mhosva yekuita zvinhu zvisingatarisirwe kunge zvichiitwa negurukota
Vakarwa Hondo vanoti vanofanirwawo kuti vabvumidzwe kupinza munyika dzimotokari vasingabhadhare mitero, kuwaniswa nzvimbo dzekuvakira dzimba, uye kuti vana vavo vawaniswe mabasa, nezvimwe zvakawanda.
Hurumende inoti ichiri kuferefeta kuti VaItai Dzamara, avo vakapambwa nevanhu vasinga zivikanwe makore mana apfuura, vari kupi uye inoti pari zvino hapana zvayati yawana.
Hurongwa hwehurumende hwekuti vanhu vashandise dhora remunyika chete reRTGS dollar hwave kuramba kutambirwa nevanhu vakawanda munyika sezvoi vemabizimisi vave kuti vave kuda mari dzekunze pane zvavari kutengesa kunyngwe vakawanda vari kutambiriswa mari dzemaRTGS.
Bhanga reCommercial Bank of Zimbabwe, CBZ, rinonzi rinogona kunge rakarasikirwa nemamiriyoni emadhora nenyaya yekukweretesa vamwe vakuru munyaya dzezvematongerwo enyika avo vasiri kubhadhara zvikwereti zvavo kubhanga.
Mapurisa emuSouth Africa anonzi asunga zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvinodarika mazana mashanu uye kuvharisa zvitoro nemabhizimusi evabvakure ava muguta reJohannesburg.
Rodhai zvimwe