Vamwe vechidiki veZanu-PF vanoti havachadi kutungamirwa naVapupurai Togarepi nevamwe vanosanganisa mutevedzeri wavo VaLewis Matutu, VaTendai Chirau, VaAdmire Mahachi uye Muzvare Mercy Mugomo.
Vanoongorora nyaya dzezvematongero enyika vakawanda vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson VaMnangagwa vave kuita chipata pata kuyedza kuzvichenura pamberi pemusangano wakakosha zvikuru weAfrican Union uri kuitwa svondo rinouya kubva musi wa10 kusvika 11 Kukadzi.
Mumwe mukuru wemauto Major-General Douglas Nyikayaramba vanoti mauto akwanisa kuunza runyararo mushure mekuratidzira nekudaro vagadzirira kudzokera kumabaraki avo kana mapurisa ati haachadi rubatsiro.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinoti zviri kufara nemashoko akataurwa nemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, ayo vakataura pahurongwa hweState of The Union neChipiri manheru.
Nhasi mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kuita musangano kustate house nemamwe mapato anopikisa akakwikwidza musarudzo yegore rapera
Vadzidzisi vakawanda muzvikoro vakateerera kurudziro yekuramwa mabasa yakaitwa nemasangano anovamiririra.
Mutungamiri wenyika yeNamibia varizve sachigaro weSADC VaHage Geingob havasati vataura nezvemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe kunyangwe hazvo masangano anorwira kodzero dzevanhu uye masangano anomiririra vashandi munyika dzakasiyana siyana siyana.
Zimta, inoti nhengo dzayo pamwe nenhengo dzerimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe vari kuenderera mberi nehurongwa hwekuramwa mabasa kutanga nhasi sezvo pasina zvaitwa nehurumende pazvichemo zvavo.
Mutevedzeri wameya veChitungwiza vakabvutwa pamba pavo neSvondo vusiku, VaJabulani Mtunzi, vawanikwa vakavharirwa pamapurisa epa Makoni kuChitungwiza kwekare.
Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights riri kukurudzira veruzhinji kuti vakoshese kuwongororwa chirwere chegomarara, apo Zimbabwe nepasi rose vari kurangarira chirwere ichi pazuva reWorld Cancer Day.
Muimbi, nyanduri uye munyori wemabhuku Chirikure Chirikure uyo akashanda kwenguva yakareba namuchakabvu Oliver Tuku Mtukudzi anoti paakazova vange vave kunyora nganonyorwa yehupenhyu hwake.
Nhasi muAmerica matambwa mutambo mukuru weSuper Bowl mumakwi eamerican Football pakati pe Los Angeles Rams nenew England Patriots. Mutambo uyu watambirwa kunhandare yemercedes-Benz kuatlant Georgia.
Rodhai zvimwe