Vachitaura pamusangano waitwa mudhorobha reMasvingo, madzimai abva kunzvimbo dzakasiyana siyana ati nyaya dzekutyisidzirana dzakatotanga nekudaro mhirizhonga inogona kukanganisa kuitwa kwesarudzo dzakanaka gore rinouya.
Vachitaura pamusangano hwekutsanangura hurongwa hwekumutsurudza kambani yeNRZ kune vamwe vemabhizimisi vari kuda kusima mari mukambani iyi muBulawayo nhasi, sachigaro webhodhi reNRZ, VaLarry Mavhima, vabvuma kuti kambani iyi yakatarisana nematambudziko akawanda.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nyaya yekuwanda kwemaroadblocks mumigwagwa yeZimbabwe yave kukonzera kuti nyika irasikirwe nemari zhinji.
Munyori mukuru wesangano iri, VaJaphet Moyo, vanoti chikuru chinoita kuti vasanyanyofara ndechekuti aka hakasi kekutanga mapoka matatu aya achiedza kuita hurukuro dzakadai, asi pasina pundutso inozobuda.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe People First, Zim PF, VaAgrippa Mutambara, vanoti vanotsigira hurongwa hwekuti mapato ezvematongerwo enyika anopikisa abatane mukubvisa hurumende yeZanu PF.
Vamwe vagari vekuDzivarasekwa vanoti vakafara zvikuru neMugovera apo vakavhenekwa maziso avo pachena vachibatsirwa nesangano reLion’s Club of Harare West.
Izvi zvinotevera kugunung’una kwaMufundisi Mugadza vachiti vari kutyorerwa kodzero dzavo pasi pebumbiro remitemo nekuramba vachitongwa nenyaya iyi.
Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC-T vachimirira Bulawayo East mudare reparamende, Muzvare Thabita Khumalo, vanoti vanhu vakuMatabeleland vari kunetsekana zvikuru kuti vawane magwara ekuberekwa kwavo.
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti mashoko aVaMudarikwa aya anokonzeresa mhirizhonga sezvo dunhu ravo reUzumba, kusanganisira Mashonaland East yose, ragara richizivikanwa nenyaya dzemhirizhonga.
Vadzidzi gumi vepaUniversity of Zimbabwe vari kuratidza mifananidzo yakasiyana-siyana inoratidza mararamiro ari kuita veruzhinji munyika panguva iyo hupfumi hwenyika huri kuenda kumawere.
Bato rinopikisa reFreeZim Congress rinoti radzinga mubato mutungamiri webato iri, VaJoseph Busha, richivapomera mhosva yekudyidzana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Mukupembererera zuva reAfrica Day, mudzimai wemutungamiri weMDC, Amai Elizabeth Tsvangirai, vashanyira musha weBumhudzo Old People Home kuSt Mary’s Chitungwiza uko kwavanopa zvekudya, zvekupfeka nemachira kuvakweguri vanogara pamusha uyu.
Rodhai zvimwe