Vanhu vakawanda vanorwara vari kutarisira kubatsirwa nechirongwa chakatanga kushanda nemusi weChitatu muBulawayo, icho chiri kurapa pamwe nekutengera varwere mishonga pasina muripo.
Homwe iyi, iyo inonzi Zimbabwe Citizweans Clinics, yakwanisa kuunganidza mari inodarika zviuru zvina zvemadhora ekuAmerica, paine tarisiro yekuunganidza zviuru gumi zvemadhora.
Vatsigiri veMDC varohwa zvakaomarara nemapurisa anga akapakatira zvombo pamuzinda webato ravo muHarare pavanga vakamirira kuturwa kwemashoko emamiriro akaita zvinhu munyika nemutungamiri webato ravo, VaNelson Chamisa.
Vamwe vagari vemuChitungwiza vanoshandisa musika weGuzha uri paChikwanha, pasi peManyame Rural District Council, vari kunyunyuta nekusagadziriswa kwedambudziko remvura inonzi iri kujenga pamusika uyu.
Hurumende inoti yapedza kupega nzvimbo nekugadzirisa migwagwa munharaunda yeChayamiti kuChimanimani mudunhu reManicaland, uko kuchagarisa patsva vanhu vakaparadzirwa misha yavo nemafashamu eCyclone Idai.
Vanorwira kodzero dzevanorarama nechirwere cheshuga vacherechedza zuva re World Diabetes Day neMugovera muZimbabwe kunyange hazvo zuva iri rakacherechedzwa pasi rose nemusi weChina.
Mutauriri weguta reHarare, VaMichael Chideme, vanoti kanzuru yavo iri kushushukanawo nekusakwanisa kuenda kubasa kwavana mukoti vakati vari kuita hurukuro navo kuti vakwanise kuona kuti dambudziko iri ringagadzirisike sei.
Sachigaro weHSB Doctor Paulinus Sikosana vanoti kutongwa kwavanachiremba kunogona kutora nguva sezvo hofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende iri kubatsira kuchuchisa isina vanhu vakakwana panguva ino.
Sangano revanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, re Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, rinoti hurumende haina hany'a nevanhu kana hutana hwavo.
Apo hurumende iri kudzinga vana chiremba, varwere vakawanda muzvipatara zvikuru muguta reBulawayo vari kushaya rubatsiro sezvo madhokotera akawanda asiri kuenda kubasa.
Varwere vakawanda vari kushora zvikuru hurumende nekudzinga kwairi kuita vana chiremba sezvo muzvipatara musina madhokotera akakwana ari kuvarapa.
Sachigaro we Health Services Baord, Dr. Paulinas Sikosana, vanoti ichokwadi kuti vana chiremba ava vadzingwa basa zviri pamutemo sezvo vasina kutevedzera zvavanga vachitarisirwa kuitwa pose panenge pachinzwikwa nyaya dzakadai.
Rodhai zvimwe