Zvichitevera kurohwa kwakaitwa vanhu vasina mhosva nemapurisa kutanga svondo rapfuura, sangano rinorwira kodzero dzevanhu, re Human Rights Watch (HRW), rinoti panofanira kuumbwa komishini yakazvimiririra kuitira kuti vanhu vawane batsiro pakumhangarira hurumende kana ichinge yavatadzira.