Masangano anomirira varairidzi vari pakuramwa anoti kunyange hazvo varairidzi vari kutyityidzirwa munyika yose, vacharamba vachienderera mberi nekuramwa mabasa kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.
Vamwe vechidiki veZanu-PF vanoti havachadi kutungamirwa naVapupurai Togarepi nevamwe vanosanganisa mutevedzeri wavo VaLewis Matutu, VaTendai Chirau, VaAdmire Mahachi uye Muzvare Mercy Mugomo.
Vanoongorora nyaya dzezvematongero enyika vakawanda vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson VaMnangagwa vave kuita chipata pata kuyedza kuzvichenura pamberi pemusangano wakakosha zvikuru weAfrican Union uri kuitwa svondo rinouya kubva musi wa10 kusvika 11 Kukadzi.
Mumwe mukuru wemauto Major-General Douglas Nyikayaramba vanoti mauto akwanisa kuunza runyararo mushure mekuratidzira nekudaro vagadzirira kudzokera kumabaraki avo kana mapurisa ati haachadi rubatsiro.
Nhasi mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kuita musangano kustate house nemamwe mapato anopikisa akakwikwidza musarudzo yegore rapera
Vadzidzisi vakawanda muzvikoro vakateerera kurudziro yekuramwa mabasa yakaitwa nemasangano anovamiririra.
Nyanzvi dzezvehupfumi dzinoti vemabhizinesi anobika chingwa havana zvavangaite pakukwira kwemutengo yechingwa sezvo vachinetseka kuwana mari yekunze yekutenga zvinodiwa kuti vabike chingwa chacho.
Mutungamiri wenyika yeNamibia varizve sachigaro weSADC VaHage Geingob havasati vataura nezvemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe kunyangwe hazvo masangano anorwira kodzero dzevanhu uye masangano anomiririra vashandi munyika dzakasiyana siyana siyana.
Zimta, inoti nhengo dzayo pamwe nenhengo dzerimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe vari kuenderera mberi nehurongwa hwekuramwa mabasa kutanga nhasi sezvo pasina zvaitwa nehurumende pazvichemo zvavo.
Sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rinoti nhengo dzaro dziri kuramwa mabasa dziri kushungurudzwa zvakanyanya nevePublic Service Commission kna kuti PSC nenhengo dzeZanu-PF.
Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema nekuti vafuma nhasi mutengo wechingwa wawedzerwa zvakanyanya.
Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights kana kuti ZADHR rinoti huwandu hwevanhau vashaya pachipomerwa mauto nemapurisa mhosva yekuvapfura kana kuvaita kafiramberi hwasvika pagumi nevatanhatu.
Rodhai zvimwe