Hurumende pamwe nagavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, varamba mashoko ekuti nyika iri kuparura mari yayo svondo rino.
Mabharani mukuru wenyika kana kuti Registrar General, VaClemence Masangano, vazivisa kuti mahofisi avo achavhura mahofisi emapasipoti kuChitungwiza munguva pfupi inotevera senzira yekuderedza mitsetse yemapasipoti muHarare.
Vamwe vanhu vanorarama nezvirwere zvehupenyu hwese vanoti havachanwi mishonga yavo mazuva ese sezvavanenge vaudzwa navanachiremba vavo, sezvo mishonga iyi yave kudhura uye yotengeswa nemari yemadhora ekuAmerica iyo vanoti havana.
Gurukota rezvemaindustry VaNqobizitha Ndlovu vanoti hurumende ichabatsira vanobika chingwa nemari yekunze.
Mutungamiri wenyika yeEgypt VaAbdel-Fattah El-Sissi avo vakauya pachigaro vachiita zvekupidigura hurumende ndivo vakasarudzwa kuita sachigaro weAfrican Union vachitevedzerwa nemutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa avo vachatora chigaro chekutungamira gore rinouya.
Izvi zvinotevera musangano wechimbichimbi waitwa nevamiriri vevaraidzi vemasangano ose evarairidzi negurukota rezvedzidzo yepasi Muzvinafundo Paul Mavhima masikati.
Hurumende iri kusangana zvakare neSvondo nemasangano evarairidzi pachitsvagwa nzira dzekuti varairidzi vadzokere kumabasa.
Vamwe vadzidzisi vari kuramwa mabasa vanoti havasi kuzodzokera kubasa kana hurumende isati yavapa mari yavari kuda kunyange vari kutyisidzirwa kuti vachabvisirwa mari yemazuva avanenge vasina kushanda.
Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasvika kumusangano we African Union kuEthiopia. Mumwe wevatevedzeri vavo, VaKembo Mohadi, ndivo vakafanobata chigaro chaVaMnangagwa apo vanenge vari ku Ethiopia.
Pane mashoko ekuti vatevedzeri vemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi naGeneral Constantino Chiwenga vose vari kunze kwenyika uko vari kurapwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kusimuka nhasi uno vakananga kuAdis Ababa, kuEthiopia, kumusangano weAfrican Union wechimakumi matatu nembiri, kana kuti 32nd Ordinary Session of the African Union.
Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights NGO Forum raburitsa gwaro rinoratidza kuti vanhu chiuru nemazana masere nevatatu vakatyorerwa kodzero dzavo nevanofungidzirwa kuti mauto, mapurisa nevechidiki veZanu-PF kubva musi wa15 Ndira kusvika musi wa 5 Kurume.
Rodhai zvimwe