Zvakabuda mubvunzo dzeOrdinary Level dzakanyorwa gore rapera zvabuda nhasi bazi rezvekunyorwa kwebvunzo reZimbabwe School Examination Council (Zimsec)richiti kubudirira kwevana mubvunzo kwakadzikira nezvikamu zvitanhatu kubva muzana kana kuti 6.8%.
Imwe nyanzvi yezvekuronga mhuri musangano rePopulation Services Zimbabwe kana kuti PSZ, Dr Raymond Chikoore vari kukurudzira varume kuti vashandisewo dzimwe nzira dziripo dzekuronga mhuri.
Vatori venhau neMuvhuro vakacherechedza zuva rekuremekedzwa kwekodzero dzavo kana kuti World Press Freedom Day vachichema chema kuti makore makumi matatu mushure mechibvumirano chekuWindoek Declaration vachiri kushanda vakamanikidzika munyika.
Nhengo dzesangano iri dzakanga dzakumbira mvumo kumapurisa kuti dzichenese nzvimbo dzeMatererini, Matapi pamwe nekubvisa marara akaunganidzwa pamberi pekamba yemapurisa yeMatapi neChipiri uyewo nemusi weChishanu dzonochenesa mumusika weMbare.
Bazi rezvehutano rinoti nezuro vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 muHarare nekuMashonaland Central.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuMutasa District, kumanicaland uko vanhu vakakuvara uye vamwe vakaputsirwa d dzimba nemhepo nemvura yakasimba yaive nezvimvuramambwenemusi weMugovera neChishanu.
Kunyangwe hazvo muZimbabwe nedzimwe nyika huwandu hwevari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuti dererei parizvino, imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Enoch Mayida vari kuyambira vanhu kuti vasarivare sezvo chirwere ichi chichigona kudzoka zvine hukasha sezviri kuitika kuIndia parizvino.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari mukuru we Human Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti chokwadi chiripo ndechekuti VaNyusi havasi kuzvipira panyaya yekuti SADC itumire mauto ayo ku Mozambique.
Chikwata cheZimbabwe chemutambo wekiriketi chiri mukuchema mushure mekuzvamburwa nePakistan mumutambo wemaTests uyo watambirwa muHarare Sports Club masikati eMugovera.
Zimbabwe yabatana nenyika dzepasi rese nhasi mukucherechedza zuva revashandi reInternational Workers Day sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, richiti rarambidzwa nemapurisa kuita mhemberero dzaro muChitungwiza nemuHarare.
MDC T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzoro inoita musangano kudunhu reMatabeleland wekuzivisana nevatsigiri vayo pamwe nekuzeya nzira dzekuwedzera mavhoti mudunhu iri kuitira kuti panozoitwa sarudzo, bato iri rinenge riine vatsigiri vakawanda.
Vamwe vabereki vane vana muzvikoro zvakasiyana siyana munzvimbo dzakatenderedza Nyika growth point kuBikita vanoti vari kutyira hupenyu hwevana vavo sezvo vana vadiki vari kuurayiwa mudunhu iri nevanhu vanofungidzirwa kuti vanenge vachiita zvemishonga yechivanhu.
Rodhai zvimwe