Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vawedzera nemakore mashanu nguva yemukuru wevatongi vematare edzimhosva, ChiefJustice Luke Malaba, kuitira kuti varambe vari pabasa ravo.
Dare reHigh Court rambomisa kutongwa kwemhosva iri kupomerwa nhengo nhatu dzeMDC Alliance idzi kuitira kuti ritange razeya chikumbiro chevatatu ava chekuti mutongi nemuchuchisi pamhosva yavo vabvisve sezvo vachiratidza kuti pane divi ravakarerekera.
Nhengo yeMDC Alliance, VaLengwani Mavhunga, avo vakadirwa muchetura kumeso unofungidzirwa kuti isulphuric acid nevanofungidzirwa kuti vasori vari mumaoko emapurisa mwedzi wapera vanoti vachiri vakamirira kunzwa kubva kunana chiremba kuti imhando ipi yemuchetura yakashandiswa pavari.
Dare reParamende rasheedza gurukota rinoona nezvekuchengetedza kwemukati menyika, VaKazembe Kazembe, kuti vazoritaurira mamiriro akaita kuchengetedzwa kwenyika ku miganhu ye Zimbabwe.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakasimuka nezuro vakananga kuUganda kumabiko ekugadzwa kwemutungamiri wenyika iyi, VaYoweri Kaguta Museveni, avo vari kugadzwa nhasi kumabiko ari kuitirwa kuKololo Independence Grounds.
VaChikoto, avo vakakwikwidza vakamirira bato reLabour Party, havasi ivo chete munhu ane midzi kuZimbabwe vakakwanisa kuwana chigaro musarudzo dzemakanzuru dzakaitwa muUnited Kingdom yose neChishanu chapfuura.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nyaya yehuori hwatekeshera mukucherwa nekutengeswa kwegoridhe iri kupa kuti nyika irasikirwe nemari yakawanda zvopa kuti kugadzirisa hupfumi kurambe kuchinetsa.
Imwe nhengo yeMDC yakakunda musarudzo yemumiriri weChegutu West asi ikatadza kupinda muparamende mushure mekunge Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yakanganisa kudoma munhu akanga akundwa saiye akakunda, yakwidza nyaya yayo kudare reConstitutional Court mushure mekukundikana kugadzirisa nyaya iyi m
Gwaro raburitswa nesangano iri richitarisa mamiriro akanga akaita zvinhu muzvikoro kusvika muna Kubvumbi wegore rino rinoratidza kuti matunhu ose emunyika ari gumi ari pasi pezvikamu makumi mashanu kubva muzana panyaya dzekuzvidzivirira kubva kuCovid-19.
Zvizvarwa zvemumusha weRugare zvaita sungano yekubatsira vabve zera nekuunganidza zvishandiso zvokuti vapote vachinoongorwa zvirwere zvinenge Diabetes neBlood Pressure.
Chikwata cheZimbabwe cricket chemaChevrons chazvindikitwa zvakasimba nePakistan mumutambo wechipiri wemaTest uyo wakapera muHarare Sports Club neMuvhuro.
Vamwe vagari vekumaruwa mudunhu reMasvingo, vanoti kunyangwe vakawana goho rakanaka mwaka uno rakawedzera chikafu mumatura avo, vachiri kunetsekana nekutenga zvimwe zvinodiwa mudzimba kuti vakwanise kurarama zvakanaka, sezvo mitengo yezvinhu iri kuramba ichingokwira muzvitoro.
Rodhai zvimwe