Hurumende iri kukurudzirwa kuti igadzirise dambudziko riri kuenderera mberi paBeitbridge sezvo kuwanda kwevanhu panzvimbo iyi kuchigona kuwedzera kupararira kweCovid-19.
Mapato ezvematongerwo enyika emuZimbabwe ari kushora zvikuru mhirizhonga yakaitika paCapitol Hill muWashington DC, uye ari kukurudzira mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, kuti vatambidzane masimba murunyararo naVaJoe Biden veDemocratic Party.
Vanhu vana vakafa muzviitiko zvaiviri zvakasiyana kuChiredzi North mudunhu reMasvingo mushure mekunge vayeredzwa nemvura vachiedza kuyambuka rwizi Mutirikwi, urwo rwunonzi rwakangozozara zvechimbi-chimbi vanhu ava vave pakati.
Dzimwe nyanzvi dzezvehutano dziri kukurudzira hurumende kuti iwedzere huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa kuona kana vaine chirwere cheCovid-19 pazuva, uye kuti hurongwa uhwu huitwe pasina muripo.
VaBhasikiti vanoti vatora danho iri nekuti havadi zvavo kushanda naVaMwonzora, vachiti zvichitevera kukunda kwavo musarudzo yekutungamira MDC-T, zvave pachena kuti MDC Alliance yave kutungamirwa naVaMwonzora nekuda kwekuti ndivo mutungamiri weMDC-T.
Sangano reMasvingo Centre for Research Advocacy and Development, kana kuti MACRAD, rinoti rine zvirongwa zvakawanda zvekubatsira vanhu vemudunhu iri panguva ino vanhu vakawanda vave kutambura zvakanyanya nekuda kwekunzi vagare mudzimba munguva yekurwisa denda reCovid-19.
Matunhu aya anoti Mashonaland West, Mashonaland Central, Mashonaland East, Manicaland, Midlands, Masvingo, Matabeleland North neMatabeleland South ave nevanhu zviuru zvesere nezana nemakumi masere vabatwa nechirwere ichi, kana kuti 8, 180.
Danho iri rave kureva kuti VaBiden, vebato reDemocratic Party, vave kukwanisa kutoreswa mhiko yekutungamira nyika musi wa 20 Ndira gore rino pasina anopikisa.
Kunyangwe vanhu vakawanda vari kutenderana kuti chirwere cheCovid-19 chapararira zvinotyisa munyika, nyaya yekuti zvogadziriswa sei iri kuunza kusabatana zvikuru danho rehurumende rekuti vakawanda vagare mudzimba kwemazuva makumi matatu.
Mhomho yevatsigiri vaVaTrump yakapunza mahwindo nemisuwo izvo zvakakonzera kuti nhengo dzose dzeparamende dzitize kana kuvanda kusvika mapurisa asvika.
Bazi rezvehutano rakazivisa kuti nezuro vanhu makumi matatu nevana kana kuti 34 vakashaya nechirwere cheCovid-19 vamwe churu nemazana matatu nemakumi matanhatu nevashanu kana kuti 1, 365 vakatapurirwa chirwere ichi.
Rodhai zvimwe