Varwere vakawanda vataura neStudio 7 vati pachipatara chemuChinhoyi vanhu havasi kurapwa sezvo vana mukoti vashoma vari pabasa vanenge vachingombeya vasingashande.
Hopewell Chin’ono asvitsawo chikumbiro chekuti atongwe achibva kumba asi chikumbiro ichi changa chichipikiswa nemuchuchisi wenyaya iyi, Amai Nancy Chandakaona. Dare richapa mutongo waro pachikumbiro ichi nemusi weChina.
Vakambomiswa basa semutungamiri weZimbabwe Miners Federation, Muzvare Henrietta Rushwaya, avo vari kupomerwa mhosva yekuedza kuburitsa goridhe munyika zviri kunze kwemutemo, vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.
Dare re House of Representatives riri pakati pehurongwa hwekumisa basa nekusungisa mutungamiri weAmetica, VaDonald Trump, nemhosva yekukonzeresa mhirizhonga yakaitika paCapitol Hill svondo rapera.
Chipangamazano munyaya dzezvehutano mubazi reAfrica Centers for Disease Control and Prevention, Dr Nicaise Ndembi, vanoti African Union yakwanisa kuwana nhomba yeCivod-19 inosvika mamiriyoni mazana matatu kana kuti 300 million ichashandiswa mukudzivira kupararira kwechirwere ichi.
Doctor Mavaza vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvagara zviine mabasa azvo kana kudzidza muBritain, uye zvine magwaro ekuzvarwa enyika mbiri idzi zvakabatwa nemutemo uyu zviri kunze kweBritain zvinokwanisa kudzokera zvisina dambudziko.
Zvinhu hazvina kumirira zvakanaka kumutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, zvichitevera mashoko nezviri kuitwa nevanhu vebato ravo, reRepublican Party, muparamende yeAmerica.
Muzvinafundo Mugano vanoti hurumende haifanire kubva yadhinda mari yakawandisa nekuti zvinogona kukonzera matambudziko ekushaya simba kwemari iyi.
Sangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa, reVendors Initiative for Social Transformation, VISET, rinoti rinotarisira kuti rwendo rwuno hurumende ichabatsirawo nhengo dzaro nemari munguva ino yadzisiri kukwanisa kushanda nekuda kwemutemo wekumbovharwa kwenyika.
Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakavhara miganhu yenyika yavo kutanga nezuro, Muvhuro, senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Dare ramejasitiriti remuHarare rarasa chikumbiro chemumiriri weZengeza West muparamende uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, chekuti nyaya yavari kupomerwa yekuburitsa manyepo nekukurudzira veruzhinji kuti vapandukire hurumende, iraswe.
Vanhu vazhinji pasi rose vari kutarisa zvichabuda pakurudziro iri kuitwa nebato reDemocratic Party yekuti mutungamiri weAmerica, Va Donald Trump, vamiswe pamberi pedare vachitongwa uye vasiye basa mushure mekukurudzira vatsigiri vavo kuti vaite mhirizhonga svondo rapera
Rodhai zvimwe