Vachangobva kusarudzwa zvine mutauro kuve mutungamiri mutsva weMDCT, VaDouglas Mwonzora, vadoma nhengo itsva dzekomiti yepamusoro mubato ravo kusanganisira Muzvare Thokozani Khupe nevese vavakakunda musarudzo Yekongiresi yechimbichimbi yakaitwa neSvondo.
Muzvare Thokozani Khupe avo vachangobva mukukundwa musarudzo dzekongiresi yechimbi chimbi yakaitwa nemusi weSvondo nebato ravo reMDC vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti vabatwa nechirwere cheCovid-19 uye vakakumbira vanhu kuti vavanamatire.
Mumwe chiremba ari muno muAmerica uye vari chizvarwa cheZimbabwe, Doctor Simbiso Ranga, vanoti zvakakosha zvikuru kuti veruzihinji vazvipire kuwana nhomba yekudzivirira Covid-19, sezvo iri iyo chete nzira inokwanisa kuburitsa vanhu kubva mumatambudziko akonzerwa nedenda iri pasi rose.
Meya veHarare, VaJacob Mafume, avo vakamiswa basa neMuvhuro negurukota rinoona nezvematunhu nemadhorobha, VaJuly Moyo, vacharamba vari mutirongo mushure mekunge dare rapamusoro, rasendeka parutivi mutongo waro pamari yechibatiso.
Mutauriri wechimwe chikwata cheMDCT, VaKhalipani Phugeni, vanoti komiti yepamusoro yebato ravo yabvumirana kusendeka parutivi zvakabuda pakongiresi yechimbichimbi yakasarudza VaDouglas Mwonzora semutungamiri mutsva webato.
Hurumende inoti ine tarisiro yekuti kuti hupfumi hwenyika huchakwira muna 2021 kunyangwe hazvo dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti zvinhu zvinogona kutonyanya kuipa.
NeMuvhuro manheru mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakazivisa kuti kutanga pakati peusiku, nyika yavo yakanga yave kudzokera pa Level 3 senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
VaRamaphosa vanoti vanhu havachabvumidzwi kufamba pakati penguva dza 9 o’clock manheru nenguva dza 6 mangwanani. Vanoti kutengeswa kwehwahwa nokunwira hwahwa panzvimbo imwe chete zvambomiswa.
Murwiri wekodzero dzevanasikana uye vakambotungamira sangano reGirl Child Network muZimbabwe, Muzvare Betty Makoni vakabatwa nechirwere cheCovid-19 kechipiri gore rino.
Bazi rezvehutano rinoti nemusi weMuvhuro vanhu vashanu vakashaya nechirwere cheCovid-19 zvaunza huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana matatu ane makumi mashanu nevana kana kuti 354.
Chipatara cheParirenyatwa chinoti chava kubvumidza munhu mumwe chete kushanyira murwere ari muchipatara ichi senzira yokudzivirira kutapuriranwa kwechirwere cheCovid 19.
VaDouglas Mwonzora vanoti vakasarudzwa zviri pachena kutsiva mushakabva Morgan Tsvangirai semutungamiri webato reMDCT pakongiresi yechimbichimbi yakaitwa nemusi weSvondo.
Rodhai zvimwe