Meya veHarare, VaJacob Mafume, avo vakamiswa basa neMuvhuro negurukota rinoona nezvematunhu nemadhorobha, VaJuly Moyo, vacharamba vari mutirongo mushure mekunge dare rapamusoro, rasendeka parutivi mutongo waro pamari yechibatiso.
Mutauriri wechimwe chikwata cheMDCT, VaKhalipani Phugeni, vanoti komiti yepamusoro yebato ravo yabvumirana kusendeka parutivi zvakabuda pakongiresi yechimbichimbi yakasarudza VaDouglas Mwonzora semutungamiri mutsva webato.
Hurumende inoti ine tarisiro yekuti kuti hupfumi hwenyika huchakwira muna 2021 kunyangwe hazvo dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti zvinhu zvinogona kutonyanya kuipa.
NeMuvhuro manheru mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakazivisa kuti kutanga pakati peusiku, nyika yavo yakanga yave kudzokera pa Level 3 senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
VaRamaphosa vanoti vanhu havachabvumidzwi kufamba pakati penguva dza 9 o’clock manheru nenguva dza 6 mangwanani. Vanoti kutengeswa kwehwahwa nokunwira hwahwa panzvimbo imwe chete zvambomiswa.
Murwiri wekodzero dzevanasikana uye vakambotungamira sangano reGirl Child Network muZimbabwe, Muzvare Betty Makoni vakabatwa nechirwere cheCovid-19 kechipiri gore rino.
Bazi rezvehutano rinoti nemusi weMuvhuro vanhu vashanu vakashaya nechirwere cheCovid-19 zvaunza huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana matatu ane makumi mashanu nevana kana kuti 354.
Chipatara cheParirenyatwa chinoti chava kubvumidza munhu mumwe chete kushanyira murwere ari muchipatara ichi senzira yokudzivirira kutapuriranwa kwechirwere cheCovid 19.
VaDouglas Mwonzora vanoti vakasarudzwa zviri pachena kutsiva mushakabva Morgan Tsvangirai semutungamiri webato reMDCT pakongiresi yechimbichimbi yakaitwa nemusi weSvondo.
Mumwe mutongi wedare remajisitiriti, VaMorgan Nemadire, vakamiswa pamberi pedare neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekuita zvehuwori vari pabasa vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Kunyange hazvo VaTrump vakasaina bhiri iri, vari kugunun’una zvikuru vachiti mari iri kupiwa vanhu kuti vabatsirikane munguva ino ye coronavirus ishoma zvikuru mushure mekunge matare eparamende nekongiresi apasisa bhiri iri svondo rapera.
Vanoti dutumupengo iri rinogona kusvika muMozambique svondo rino uye rinogona kupinda muZimbabwe mazuva mashoma rabva mukupinda muMozambique.
Rodhai zvimwe