Hurumende iri kukurudzirwa kuti igadzirise dambudziko riri kuenderera mberi paBeitbridge sezvo kuwanda kwevanhu panzvimbo iyi kuchigona kuwedzera kupararira kweCovid-19.
Mapato ezvematongerwo enyika emuZimbabwe ari kushora zvikuru mhirizhonga yakaitika paCapitol Hill muWashington DC, uye ari kukurudzira mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, kuti vatambidzane masimba murunyararo naVaJoe Biden veDemocratic Party.
Vanhu vana vakafa muzviitiko zvaiviri zvakasiyana kuChiredzi North mudunhu reMasvingo mushure mekunge vayeredzwa nemvura vachiedza kuyambuka rwizi Mutirikwi, urwo rwunonzi rwakangozozara zvechimbi-chimbi vanhu ava vave pakati.
VaBhasikiti vanoti vatora danho iri nekuti havadi zvavo kushanda naVaMwonzora, vachiti zvichitevera kukunda kwavo musarudzo yekutungamira MDC-T, zvave pachena kuti MDC Alliance yave kutungamirwa naVaMwonzora nekuda kwekuti ndivo mutungamiri weMDC-T.
Sangano reMasvingo Centre for Research Advocacy and Development, kana kuti MACRAD, rinoti rine zvirongwa zvakawanda zvekubatsira vanhu vemudunhu iri panguva ino vanhu vakawanda vave kutambura zvakanyanya nekuda kwekunzi vagare mudzimba munguva yekurwisa denda reCovid-19.
Vananyamukuta vepachipatara cheSally Mugabe icho chaimbonzi Harare Central Hospital vaswera vachiramba kupinda muchipatara kuti vabatsire madzimai akazvitakura vachiti havana mbatya dzekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid 19.
Matunhu aya anoti Mashonaland West, Mashonaland Central, Mashonaland East, Manicaland, Midlands, Masvingo, Matabeleland North neMatabeleland South ave nevanhu zviuru zvesere nezana nemakumi masere vabatwa nechirwere ichi, kana kuti 8, 180.
Kunyangwe vanhu vakawanda vari kutenderana kuti chirwere cheCovid-19 chapararira zvinotyisa munyika, nyaya yekuti zvogadziriswa sei iri kuunza kusabatana zvikuru danho rehurumende rekuti vakawanda vagare mudzimba kwemazuva makumi matatu.
Mhomho yevatsigiri vaVaTrump yakapunza mahwindo nemisuwo izvo zvakakonzera kuti nhengo dzose dzeparamende dzitize kana kuvanda kusvika mapurisa asvika.
Vanhu vakawanda vari kuda kudzokera kuSouth Africa vataura neStudio 7 paBeitbridge Border Post vati vave nemazuva matatu kana kupfuura vakamiswa pabhodha reBeitbridge nekuda kwedambudziko rekunonoka kudhindirwa magwaro ekufambisa izvo vati zvave kukonzera matambudziko akasiyana siyana.
Vakafanobata chigaro chemeya weHarare, VaStewart Mutizwa, vati zviri pachena kuti guta reHarare ndiro ranyanyovhiringwa nechirwere ichi, nekudaro vanhu ngavagare mudzimba sezvakataurwa nehurumende senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Mutongi wedare, Amai Vongai Muchuchuti Guwuriro, vati vatatu ava vagare mujeri kwemwedzi mitanhatu mushure mekusendeka parutivi mimwe mwedzi mitanhatu.
Rodhai zvimwe