Nyanzvi dzehutano dzinoti panofanirwa kutsvagwa nzira dzokuona kuti varwere veCovid 19 vaongororwe hutano hwepfungwa dzavo nokuti vazhinji vavo vari kunyanya kushushikana nekudzamisa pfungwa zvakanyanyisa pavanenge vachirwara izvo zvinozopa kuti vaite zvirwere zvepfungwa.
Mapurisa neMuvhuro akasunga mutauriri webato rinopikisa reMDC Alliance Muzvare Fadzai Mahere richivapomera mhosva yekuda kukurudzira vanhu kuita mhirizhonga
Chirwere cheCovid-19 chave kuvhiringidza dunhu reMashonaland West zvichitevera kufa kwevanhu vana, vamwe makumi mashanu nemumwechete vachibatwa nechirwere ichi mudunhu diki reKariba.
VaNgwenya vanoti nyika haiendereri mberi kana hurumende ichingoita basa rekutandanisana nekusunga vatori venhau, vemapato anokwikwidza pamwe chete nevanorwira kodzero dzevanhu, vachiti hurumende inofanira kutora vanhu semadzisahwira mukusimudzira nyika kwete kupedza nguva ichisunga vanhu.
Zimbabwe Republic Police yazivisa kuti kubva nhasi, vanhu vanenge vashaya, vachangochengeterwa mumaguta mavanenge vashaikira, zvinoreva kuti hapachina zvokuenda nezvitunha ku maruwa kana munhu afira mudhorobha.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vari kushora zvikuru hurumende nekusunga mutevedzeri wasachigaro webato iri VaJob Sikhala, meya weguta reHarare akamiswa basa VaJacob Mafume uye mutori wenhau VaHopewell Chin’ono.
Kunyange zviri kukurudzirwa kuti vanhu vagare mudzimba, vapfeka mamasiki nguva dzose pamwe nekugara kure nakure, vakawanda kumaruwa havasi kutevedzera izvi.
Nhengo dzakawanda dzedare reCongress muAmerica dziri kuti mutungamiri wenyika VaDonald Trump vanofanira kutorerwa matanho ekumanikidzwa kusiya basa sezvo vari kupomerwa mhosva yekupesvedzera vatsigiri vavo kuti vaite mhirizhonga.
Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Hopewell Chin’ono, akamiswa pamberi pedare ramejasitiriti nemusi weMugovera akasawaniswa mukana wekubvisa mari yechibatiso izvo zvapa kuti apedze wikendi ari mutirongo.
Hurumende iri kukurudzirwa kuti igadzirise dambudziko riri kuenderera mberi paBeitbridge sezvo kuwanda kwevanhu panzvimbo iyi kuchigona kuwedzera kupararira kweCovid-19.
Mapato ezvematongerwo enyika emuZimbabwe ari kushora zvikuru mhirizhonga yakaitika paCapitol Hill muWashington DC, uye ari kukurudzira mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, kuti vatambidzane masimba murunyararo naVaJoe Biden veDemocratic Party.
Vanhu vana vakafa muzviitiko zvaiviri zvakasiyana kuChiredzi North mudunhu reMasvingo mushure mekunge vayeredzwa nemvura vachiedza kuyambuka rwizi Mutirikwi, urwo rwunonzi rwakangozozara zvechimbi-chimbi vanhu ava vave pakati.
Rodhai zvimwe