Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vari kushora zvikuru hurumende nekusunga mutevedzeri wasachigaro webato iri VaJob Sikhala, meya weguta reHarare akamiswa basa VaJacob Mafume uye mutori wenhau VaHopewell Chin’ono.
Kunyange zviri kukurudzirwa kuti vanhu vagare mudzimba, vapfeka mamasiki nguva dzose pamwe nekugara kure nakure, vakawanda kumaruwa havasi kutevedzera izvi.
Nhengo dzakawanda dzedare reCongress muAmerica dziri kuti mutungamiri wenyika VaDonald Trump vanofanira kutorerwa matanho ekumanikidzwa kusiya basa sezvo vari kupomerwa mhosva yekupesvedzera vatsigiri vavo kuti vaite mhirizhonga.
Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Hopewell Chin’ono, akamiswa pamberi pedare ramejasitiriti nemusi weMugovera akasawaniswa mukana wekubvisa mari yechibatiso izvo zvapa kuti apedze wikendi ari mutirongo.
Hurumende iri kukurudzirwa kuti igadzirise dambudziko riri kuenderera mberi paBeitbridge sezvo kuwanda kwevanhu panzvimbo iyi kuchigona kuwedzera kupararira kweCovid-19.
Mapato ezvematongerwo enyika emuZimbabwe ari kushora zvikuru mhirizhonga yakaitika paCapitol Hill muWashington DC, uye ari kukurudzira mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, kuti vatambidzane masimba murunyararo naVaJoe Biden veDemocratic Party.
Vanhu vana vakafa muzviitiko zvaiviri zvakasiyana kuChiredzi North mudunhu reMasvingo mushure mekunge vayeredzwa nemvura vachiedza kuyambuka rwizi Mutirikwi, urwo rwunonzi rwakangozozara zvechimbi-chimbi vanhu ava vave pakati.
VaBhasikiti vanoti vatora danho iri nekuti havadi zvavo kushanda naVaMwonzora, vachiti zvichitevera kukunda kwavo musarudzo yekutungamira MDC-T, zvave pachena kuti MDC Alliance yave kutungamirwa naVaMwonzora nekuda kwekuti ndivo mutungamiri weMDC-T.
Sangano reMasvingo Centre for Research Advocacy and Development, kana kuti MACRAD, rinoti rine zvirongwa zvakawanda zvekubatsira vanhu vemudunhu iri panguva ino vanhu vakawanda vave kutambura zvakanyanya nekuda kwekunzi vagare mudzimba munguva yekurwisa denda reCovid-19.
Vananyamukuta vepachipatara cheSally Mugabe icho chaimbonzi Harare Central Hospital vaswera vachiramba kupinda muchipatara kuti vabatsire madzimai akazvitakura vachiti havana mbatya dzekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid 19.
Matunhu aya anoti Mashonaland West, Mashonaland Central, Mashonaland East, Manicaland, Midlands, Masvingo, Matabeleland North neMatabeleland South ave nevanhu zviuru zvesere nezana nemakumi masere vabatwa nechirwere ichi, kana kuti 8, 180.
Kunyangwe vanhu vakawanda vari kutenderana kuti chirwere cheCovid-19 chapararira zvinotyisa munyika, nyaya yekuti zvogadziriswa sei iri kuunza kusabatana zvikuru danho rehurumende rekuti vakawanda vagare mudzimba kwemazuva makumi matatu.
Rodhai zvimwe