Kongiresi yechimbichimbi yeMDCT iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe yekutsvaga anotsiva mushakabvu VaMorgan Tsvangirai yatanga muHarare nhasi zvinhu zvsingafambe zvakanaka panyaya dzekuvhota.
Vanhu vekuManicaland zvikuru munzvimbo dzakaita seChimanimani neChipinge vari kugara vakabatira hana mumaoko sezvo vanoona nezvemamiriro ekunze vari kuyambira kuti vatarisana zvekare nerimwe dzmbudziko remafashamu emvura uye dutumupengo remhepo kana kuti Tropical Cyclone Chalane.
Mutori wenhau ange ane mukurumbira, Foster Dongozi, aradzikwa neMugovera masikati kumusha kwake ku Sanyati, zvichitevera kushaya kwaakaita nemusi we Chitatu.
Mumwe mudzidzi wezvemabhizinesi paHarare Polytechnic, Muzvare Tinotenda Gweshengwe, avo vakaremara, vanoti vakaremara vakawanda vari kusangana nematambudziko ekumbunyikidzwa kwekodzero dzavo.
Ndemera, uyo ange ave nemakore makumi matanhatu nemaviri ekuberekwa, aradzikwa pamberi pechaunga chakanyanya chacho chiri chevanhu vabva kuMbare.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira veruzhinji kuti vagare vakangwarira kusatapurirana chirwere cheCovid-19 munguva ino yezororo rekisimusi negore idzva.
Vanhu vakawanda vari kutadza kutora mari dzavo kumabhanga nepama ATM izvo vati zvichakanganisa zororo ravo rekisimusi.
Vakamboshanda naDongozi kuZimbabwe Union of Journalists, uko ashaya ari munyori mukuru wesangano iri, VaMathew Takaona, vaudza Studio7 kuti indasitiri yekuburitswa kwenhau yarasikirwa zvanyanya nekushaya kwaDongozi.
Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika mukupemberera zuva rekisimusi rinova rakakosha zvikuru kune vakawanda.
Mumwe wevanhu vasiri kufara nekukwidzwa kwemari idzi, VaMike Chegura, vanoti vakanzi vabhadhare madhora matanhatu ekuAmerica pamufambo unochiita madhora matatu ekuAmerica.
Munyori mukuru wenhau dzemitambo, Tendai Ndemera, uyo akashaya nemusi weChipiri mangwanani, acharadzikwa muHarare neChishanu masikati.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa sezvo motokari nemabhazi zviri kupedza mazuva anosvika mashanu vari mumutsetse vakamirira kudhindhirwa magwaro avo ekufambisa.
Rodhai zvimwe