Vananyamukuta vepachipatara cheSally Mugabe icho chaimbonzi Harare Central Hospital vaswera vachiramba kupinda muchipatara kuti vabatsire madzimai akazvitakura vachiti havana mbatya dzekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid 19.
Matunhu aya anoti Mashonaland West, Mashonaland Central, Mashonaland East, Manicaland, Midlands, Masvingo, Matabeleland North neMatabeleland South ave nevanhu zviuru zvesere nezana nemakumi masere vabatwa nechirwere ichi, kana kuti 8, 180.
Bazi rezvehutano rakazivisa kuti nezuro vanhu makumi matatu nevana kana kuti 34 vakashaya nechirwere cheCovid-19 vamwe churu nemazana matatu nemakumi matanhatu nevashanu kana kuti 1, 365 vakatapurirwa chirwere ichi.
Vanhu vakawanda vari kuda kudzokera kuSouth Africa vataura neStudio 7 paBeitbridge Border Post vati vave nemazuva matatu kana kupfuura vakamiswa pabhodha reBeitbridge nekuda kwedambudziko rekunonoka kudhindirwa magwaro ekufambisa izvo vati zvave kukonzera matambudziko akasiyana siyana.
Vakafanobata chigaro chemeya weHarare, VaStewart Mutizwa, vati zviri pachena kuti guta reHarare ndiro ranyanyovhiringwa nechirwere ichi, nekudaro vanhu ngavagare mudzimba sezvakataurwa nehurumende senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Mutauriri weJudicial Services Commission, Muzvare Rumbidzai Takawira, vati kunyange hazvo matare anenge akavhurwa panguva iyi, haakwanisi kuita mabasa awo sezvinotarisirwa nekuda kwechirwere cheCovid-19 nezvimwe zvipingaidzo.
Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vashora hurumende vachiti maitiro ayakaita lockdown anoomesera veruzhinji.
Mutauriri weZimParks, VaTinashe Farawu, vanoti mutumbi waVaRoy Dikinya, avo vakadonhera mugomba riri pamapopoma eVictoria Falls zuva regoredzva, wakawanikwa asi havasati vakwanisa kuutora kubva pawakadonhera.
Vanotungamira mutambo uyu veZimbabwe Cricket vamisa mitambo yese kusanganisira makundano ezvikwata zvemuno eT20 Logan Cup ayo anga achifanira kutanga neMuvhuro mangwanani.
Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira mushure mekunge vamwe vanhu vasere vafa nechirwere ichi nemusi weMugovera.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati sebato vari kushushikana zvikuru nekufa kwaVaEmmanuel Chimwanda, avo vanga vari munyori wezvekuchengetedzwa kwenyika.
Mumwe mugari wemuHarare, VaVictor Ndlovu, vati makore ese vanosimboenda kumusha kuzororo regore dzva, asi rwendo rwuno vatamba zuva ranhasi vari pamba pavo vachiremekedza zvakataurwa nemapurisa kuti vanhu vasaungane.
Rodhai zvimwe