Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vari kushora zvikuru hurumende nekusunga mutevedzeri wasachigaro webato iri VaJob Sikhala, meya weguta reHarare akamiswa basa VaJacob Mafume uye mutori wenhau VaHopewell Chin’ono.
Kunyange zviri kukurudzirwa kuti vanhu vagare mudzimba, vapfeka mamasiki nguva dzose pamwe nekugara kure nakure, vakawanda kumaruwa havasi kutevedzera izvi.
Nhengo dzakawanda dzedare reCongress muAmerica dziri kuti mutungamiri wenyika VaDonald Trump vanofanira kutorerwa matanho ekumanikidzwa kusiya basa sezvo vari kupomerwa mhosva yekupesvedzera vatsigiri vavo kuti vaite mhirizhonga.
Vanhu gumi nevashanu kana kuti 15 vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika neMugovera vamwe mazana masere nenakumi matatu nevapfumbamwe kana kuti 839 vakabatwa nechirwere ichi.
Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Hopewell Chin’ono, akamiswa pamberi pedare ramejasitiriti nemusi weMugovera akasawaniswa mukana wekubvisa mari yechibatiso izvo zvapa kuti apedze wikendi ari mutirongo.
Hurumende iri kukurudzirwa kuti igadzirise dambudziko riri kuenderera mberi paBeitbridge sezvo kuwanda kwevanhu panzvimbo iyi kuchigona kuwedzera kupararira kweCovid-19.
Vanhu vana vakafa muzviitiko zvaiviri zvakasiyana kuChiredzi North mudunhu reMasvingo mushure mekunge vayeredzwa nemvura vachiedza kuyambuka rwizi Mutirikwi, urwo rwunonzi rwakangozozara zvechimbi-chimbi vanhu ava vave pakati.
Dzimwe nyanzvi dzezvehutano dziri kukurudzira hurumende kuti iwedzere huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa kuona kana vaine chirwere cheCovid-19 pazuva, uye kuti hurongwa uhwu huitwe pasina muripo.
Vananyamukuta vepachipatara cheSally Mugabe icho chaimbonzi Harare Central Hospital vaswera vachiramba kupinda muchipatara kuti vabatsire madzimai akazvitakura vachiti havana mbatya dzekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid 19.
Matunhu aya anoti Mashonaland West, Mashonaland Central, Mashonaland East, Manicaland, Midlands, Masvingo, Matabeleland North neMatabeleland South ave nevanhu zviuru zvesere nezana nemakumi masere vabatwa nechirwere ichi, kana kuti 8, 180.
Bazi rezvehutano rakazivisa kuti nezuro vanhu makumi matatu nevana kana kuti 34 vakashaya nechirwere cheCovid-19 vamwe churu nemazana matatu nemakumi matanhatu nevashanu kana kuti 1, 365 vakatapurirwa chirwere ichi.
Vanhu vakawanda vari kuda kudzokera kuSouth Africa vataura neStudio 7 paBeitbridge Border Post vati vave nemazuva matatu kana kupfuura vakamiswa pabhodha reBeitbridge nekuda kwedambudziko rekunonoka kudhindirwa magwaro ekufambisa izvo vati zvave kukonzera matambudziko akasiyana siyana.
Rodhai zvimwe