Vakuru vevasori, mauto nemapurisa vanoda kukwikwidza musarudzo idzi vanosanganisira Assistant Police Commissioner Everisto Pfumvuti, Commanding Support Unit, VaElias Kanengoni, musori VaLesly Humbe, nhengo yeZimbabwe National Army, Colonel Philip Toperesu, pamwe naAssistant Police Commissioner Oliver Mandipaka.
Nyaya yemitemo inotevedzerwa mukusarudza vanhu vachamirira bato iri yaramba ichinetsa mubato iri zvaita kuti paitwe misangano isingapere.
Kubva gore papera hapana kunyatsowirirana panyaya yemitemo iyi. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru we Media Centre, VaErnest Mudzengi, vanoti zvichanetsa kupedza bopoto muZanu-PF.