VaTomana Vobvumidza Magweta Kuchuchisa VaKereke naAmai Mutasa

  • Blessing Zulu

Tomana

Muchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, vanonzi vazobvuma kupa magweta mapepa ekuti vakwanise kuchuchisa nhengo yedare reparamende yeZanu-PF, VaMunyaradzi Kereke, uye vaive mubhodhi reTelecel, Amai Jane Mutasa.

VaKereke vari kupomerwa mhosva yekubata mwana aive nemakore gumi nerimwe chibharo, ukuwo Amai Mutasa vachinzi vakaba zvinhu zvemari inosvika miriyoni imwe chete nemazana manomwe ezviuru zvemadhora.

Mhosva idzi dzinonzi dzakaparwa muna 2010.

Asi VaTomana vairamba kuchuchisa vachiti hapana humbowo hwakakwana.

Dare reConstitutional Court rakabata VaTomana nemhosva yekuzvidza matare eHigh Court neSupreme Court nekuramba kupa magweta mapepa ekuchuchisa.

Dare rakavatongera kugara mujeri kwemazuva makumi matatu, asi akazosendekwa ndokunge VaTomana vaita zvainge zvatarwa nemutongo wedare mukati memazuva gumi.

Hatina kukwanisa kubata Amai Mutasa, VaKereke kana VaTomana sezvo nhare dzavo dzange dzisiri kudairwa.

Asi gweta riri kumirira mwana anonzi akabatwa chibharo naVaKerere, VaCharles Warara, vatenda kuti vawana mapepa aya asi havana ruzivo kuti nyaya iyi dzichatanga kunzwikwa riini kumatare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCharles Warara