Sangano rinorwira kodzero dezevanhu pasi rose, reHuman Rights Watch, HRW, rakwidza kumuzinda weUnited Nations nyaya yevanhu vakamanikidzwa kubva kuTokwe Mukosi nemafashamu emvura vachinogariswa patsva kuNuanetsi Ranch.
Nzvimbo iyi iri mudunhu reMasvingo.
Sangano iri rinoti vanhu ava vari kuregererwa nehurumende uye vave kunonga svosve nemuromo.
Gurukota idzva rinoona nezvedunhu reMasvingo, Amai Shuvai Mahofa, vakaudzawo Studio7 kuti vanhu ava havana kugariswa zvakanaka uye vari kuda kuvatsvagira imwe nzvimbo itsva.
Vanhu ava vanosvika zviuru makumi maviri. Vanotiwo nzvimbo yavari kugara haina mvura yakachena uye vari kurumwa nenyoka nemabuwe vamwe vachirasikirwa nehupenyu.
Chipangamazano cheHRW, VaDewa Mavhinga, vanotiwo vakaenda kunopira nyaya iyi kumuzinda weUnited Nations vachiti zvinhu kuNuanetsi Ranch zvaita manyama amire nerongo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaDewa Mavhinga