Mumwe mufundisi wemuHarare akatanga kuratidzira muna Kubvumbi achikurudzira vanhu vemuZimbabwe kuti vatakure mureza wenyika vachirwira kodzero dzavo murunyararo, anoti kunyange hazvo ave kutyisidzirwa nerufu haasi kuzoregedza kuratidzira.
Pastor Evan Mawarire vekereke yeHis Generation Church vakaisa vhidhiyo yavo paFacebook uye iri kuonekwa nevana veZimbabwe vakawanda zvikuru vave kuratidzawo kugunun’una kwavo vakatakura mureza wenyika.
Vanoti vakuru vemachechi muZimbabwe vanofanirawo kubuda pachena vachitaura nezvekodzero dzevanhu.
Asi vati havasi kuzoregedza kuratidzira kwavo kunyangwe paine vanhu vari kuvafonera vachivatyisidzira.
Pastor Mawarire vaudza Studio7 kuti kunyarara hakusi kutaura nekudaro vanhu ngavabude pachena kuti nyika yananga kumawere.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naPastor Evan Mawire