Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights riri kushora mapurisa nekusunga vana vechikoro vatanhatu vachivapomera mhosva yekukonzera mhirizhonga muBulawayo. Vana ava vakasungwa paBurombo Flats nemusi we Mugovera uye vakamiswa pamberi pedare neMuvhuro vakabviswa muhusungwa vachiendeswa mumaoko evabereki vavo.
Vachuchusi vehurumende vanoti vana ava vainge varatidzira musi weChitatu uye vakavhara migwagwa nevamwe vanhu mazana mashanu uye vakanoba zvinhu muchitoro cheMzilikazi Supermarket. Vatanhatu ava vanoti Brighton Bvirindi ane makore gumi nemana wekuLobengula Primary School, Thabo Mhlanga, ane makore gumi nemanomwe wekuMzilikazi High School, Welcome Nkomo ane makore gumi nemashanu weku Sobukazi High School, Billy Chivhunge ane makore gumi nematanhatu wekuSobukazi High School, Blessing Phiri ane makore gumi nematanhatu wekuMzilikazi High School uye Bernard Mpofu ane makore gumi nemashan u wekuSobukazi High School. Vatanhatu ava vari kumiririrwa nemagweta eZLHR anoti VaLizwe Jamela naVaJonathan Tsvangirai.
Amai Patience Moyo avo vanoshanda neJustice for Children Trust vatiwo pasi pemitemo yenyika vasati vabva zera vanenge vasungwa vanofanirwa kuchengetedzwa mumaoko evabereki vavo.
Dare rakabvumawo kuti vamwe vanhu vakasungwa mushure memhirizhonga vabhadhare mari yechibatiso ukuwo mapurisa achinzi ari kuramba achisunga vanhu pamusoro pemhirizhonga iyi.
VaTanaka Muganyi rimwe remagweta ari kumiririra vamwe vanhu makumi masere nevashanu vakasungwa mumhirizhonga yesvondo rapera vaudza Studio 7 kuti vanhu ava vanzi vabhare mari yechibatiso inosvika madhora makumi masere pamunhu wega wega.
Kune vamwe vanhu makumi maviri nevaviri vakamiswa pamberi pedare nemusi weMugovera vachipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga. Pavanhu ava painge pane vasati vabva zera gumi nevashanu.
Vanoziva zviri kuitika vanoti vanhu vachiri kuramba vachisungwa vachiunzwa kumatare muBulawayo pamusoro pekuratidzira kwevhiki rapera iyi.
Mune imwewo nyaya, muteveedzeri wemutungamiri webato reMDC-T Muzvare Thokozani Khupe vanoti madzimai ebato ravo achatanga kuratidzira kusafara kwavo nekutambura kweveruzhinji munyika pasi pechirongwa chinonzi “Rovai mapoto.”
Muzvare Khupe vaudza Studio 7 parunhareuta reBulawayo kozoitwazve muguta guru reHarare muvhiki rinotevera.
Muzvare Khupe varamba maonero ekuti bato ravo rave kuda kuedza kuwana mbiri nekudawo kupindira mukuratidzira vachiti bato ravo ndiro rakatanga nyaya yekuratidzira.
Varambawo mashoko ehurumende ekuti pane vekunze vari kupesvedzera vanhu munyika kuti varatidzire.
Vanhu munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika vakagara kudzimba pakati pesvondo rapfuura vamwe vakaratidzira mumigwagwa vachiti hurumende inofanirwa kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.
Vamwe vari kutungamira hurongwa uhu vanoti vacharatidzira zvekare svondo rino risati rapera kana hurumende ikasabuda nezvakati tsvikiti zvinogadzirisa kutambura kuri kuita veruzhinji.