Makuwerere Pakati peZimbabwe Warriors neMalawi muMakwikwi eAFCON 2017

Zimbabwe Warriors

MaWarriors emuZimbabwe atarisana nemutambo ungangokwanisa kuti vaende kumakundano e2017 Africa Cup of Nations. Mutambo uyu uchatambirwa kunhandare yeNational Sports Stadium muHarare.

Kukunda kwemaWarriors kukasangana nekukundwa kana kuita mangange kweGuinea apo irikutamba neSwaziland kunobva kwapa Zimbabwe tikiti rekuenda kumakundano makukuru emuAfrica aya.

Parizvino, Zimbabwe irikutungamira nemapoinzi masere ichiteverwa neGuinea neSwaziland idzo dzine maponzi mashanu. Malawi ndiyo iri pasi pasi nemapoinzi maviri.

MaWarriors akakundwa kana kuita mangange vanenge vazviomesera sezvo Guinea yakamirira kuendawo kumafainari aya ichitamba mutambo wayo wekugumisira iripamusha neZimbabwe.

Mutungamiri weZimbabwe Football Association VaPhillip Chiyangwa vanoti havana chimwe chavari kutaisira kubva kumutambo uyu kunze kwemapoinzi matatu akakwana.

VaChiyangwa vayambira varairidzi vemaWarriors kuti chibvumirano chavo neZifa ndechekuendesa maWarriors kumaAfrica Cup of Nations Finals vachiti izvi zvikakona veZifa vanotora matanho.

Pakapedzisira kutamba Zimbabwe neMalawi, maWarriors akakunda 2-1 nechibodzwa chakanwisa naKhama Billiart kuLilongwe.

Munyori mukuru weZimbabwe National Soccer Supporters Association VaMathias Kufandirimbwa vanoti Zimbabwe irikudzokorora zvayakamboita asi ikozvino ichikunda nezvibodzwa zvakawanda

Tichitarisa vatambi vezvikwata zviviri izvi, zvirikuratidza kuti Zimbabwe iri pamberi zvakanyanya.

Panguva iyo Zimbabwe yakaunganidza vatambi varikutamba zvinemutsindo kunyika dzekunze, Malawi haina kana mutambi mumwechete anotamba kuEurope, vavanavo vanotamba kunze kwenyika vari avo varikubva kuSouth Africa nekuMozambique.

Zvinonetsa kufunga kuti chikwata chine vatambi vakaita saKnowledge Musona (Denmark) Marvelous Nakamba (Netherlands) Costa Nhamoinesu (Czech Republic), Mathew Rusike (Sweden), Khama Biliart (Mamelodi Sundowns) Willard Katsande (Kaiser Chiefs), na Tendai Ndoro (Orlando

Pirates) chingarohwe neMalawi iyo vatambi vavo vanemukurumbira vari Joseph Kwamwendo (Mozambique), John Banda (Mozambique), Limbikani Mzava (South Africa), Gerald Phiri (South Africa) naMicium Mhone (South Africa).

VaMuchaneta Dzuwa avo vanozivikanwa zvikuru nemhaka yekubheja zvenhabvu vanoti varikuiisa mari yavo pamaWarriors vachiwedzera ivo kuti Zimbabwe ichanwisa zvibodzwa zvinosvika kana kudarika zviviri.

Zimbabwe yakagumisira kuenda kumakwikwi aya muna 2006. Vakawanda vanoti maWarriors aisa gumbo rimwe chete mukuenda kumakwikwi aya. Asi mumutambo wenhabvu munopemberera chete kana mitambo yese yemumakundano yapera.