Amai Makarau Vanojekesa Michina yeKunyoresa vaVhoti yeBRV

  • Blessing Zulu

Justice Rita Makarau

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Rita Makarau, vanoti vanhu vanofanira kuziva mutsauko uripo pakati pemichina yekunyoresa vanhu kuvhota kana kuti Biometric Voter Registration nenyaya yekuvhota vanhu vachishandisa macomputer sezvinoitwa munyika dzakabudirira dzakaita seAmerica kana kuti e-electronic voting.

Izvi zvinotevera nyaya yabuditswa mubepanhau reHerald yekuti vakawanda vari kuramba kushandiswa kwemichina yeBRV musarudzo dza2018.

Sangano rinoongorora sarudzo rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network rati mashoko akadai anoratidza kuti vanhu havana ruzivo nezvesarudzo uye ZEC inofanira kuona kuti paitwa dzidziso kuti vanhu vasareve nepasipo.

ZESN yati kushandiswa kwemichina yeBRV kunobatsira kuti vanhu vaite chivimbo nesarudzo uye zvinopawo kuti zita remunhu risawanikwe kakawanda mugwaro revavhoti.

Amai Makarau vanoti vari kugadzirira kutenga michina yekunyoresa kuvhota..

Your browser doesn’t support HTML5

Hukurukuro naAmai Rita Makarau