Zimbabwe Yocherechedza Vanoita Mabasa eKubatsira

Chikafu cheWFP

Zimbabwe yapemberera zuva remabasa ekubatsira veruzhinji pasi rose muhurongwa hwanga huchitungamirwa nesangano re United Nations.

Vachitaura pachiitiko ichi, icho chaitirwa kumahofisi e World Food Program, mumiriri wesangano iri muZimbabwe, Va vladimir Jovcev, vati basa rinoitwa nevanhu vanoshanda mukubatsira veruzhinji rakakosha zvikuru.

Vachitaurawo pachiitiko chimwe chetecho, mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekubatana kweZimbabwe nemamwe matunhu, Va Reuben Marumahoko, vatiwo hurumende inokoshesa mabasa anoitwa nevanhu vanoita mabasa ekubatsira veruzhinji pasi rose. VaMarumahoko vati Zimbabwe ine vanhu vanosvika miriyoni nemazana matanhatu ezviuru vari kuda chikafu. Vati chinhu chakakosha kuti vanhu varemekedze mabasa anoitwa nemasangano anobatsira pasi rose, nokuti ndiwo ari kubatsira munguva dzekushaya.

Vachakafanobata chigaro chemukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa ekubatsira veruzhinji, musangano re United Nations – Office for the Coordination of Humanitarian Affairs, Doctor Macerlin Hepie, vati sangano ravo riri kubatsira zvikuru vanhu vanenge vadzingwa munyika dzavanenge vakagara zvisiri pamutemo.

Doctor Hepie vatiwo sangano ravo riri kushanda nehurumende muchirongwa che Zimbabwe Consolidated Appeal Program mukutsvaga mari inoita mazana maviri nemakumi matatu nesere emamiriyoni emadhora. Vati pari zvino vakwanisa kuwana chidimbu chemari iyi, iyo ichashandiswa mukutengera vanhu chikafu pamwe nezvimwe zvinodiwa. Vatiwo vacharamba vachitsvaga mari iri kudiwa kumadzisahwira avo anobatsira nemari muzvirongwa zvakadai.

Zuva rekurangarira mabasa emasangano anobatsira veruzhinji pasi rose rinocherechedzwa pasi rese musi wa 19 Nyamavhuvhu. Asi rwendo rwuno Zimbabwe yaona zvakakodzera kuti zuva iri rirangarirwe neChina.

Zuva iri rakavambwa nesangano reUnited Nations muna 2008, zvichitevera chikumbiro chakaitwa nemhuri yevakambove munyori mukuru we United Nations, VaSergio Vieira de Mello, zvichitevera kufa nemabhambu kwaVa de Mello nevamwe vavaishanda navo, musi wa 19 Nyamavhuvhu 2003 muBagdhad Iraq pamuzinda weUnited Nations.