Vana Chiremba Vopinda Muzuva Retatu Vachiramwa Mabasa

  • Blessing Zulu

VaDavid Parirenyatwa

Kuramwa mabasa kwavana chiremba kwapinda muzuva retatu neChitatu nhaurirano dzichinzi dziri kuenderera mberi pakati pesangano rinomiririra vana chiremba ava reZimbabwe Hospital Doctors Association nebazi rezvehutano.

Asi munoyi mubazi rezvehutano, Retired Brigadier Gerald Gwinji, vanoti vana chiremba vakaramba vachiramwa mabasa vachakumbira vana chiremba kubva kuZimbabwe National Army, Air Force nekumapurisa. Vana chiremba ava ndivo vanosimbodaidzwa kana vana chiremba vemuzvipatara zvehurumende varamwa mabasa.

Vana chiremba vanoti vari kuda kuti mari dzavanotambira dziwedzerwe uye kuti hurumende iise zvikwanisiro muzvipatara zvavanoshandira. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa.

Asi mutungamiri wesangano ravana chiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Fortune Nyamande, vanoti neChina vachataurirana naVaParirenyatwa nezvenyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande