America Yopa Zimbabwe $95M Gore Rino yeKurwisa HIV/AIDS
VaBruce Wharton
HARARE —
America inoti gore rino ichapa Zimbabwe mamiriyoni makumi mapfumbamwe nechidimu emadhora kuitira kuti Zimbabwe ikwanise kurwisana nedambudziko reHIV/AIDS.
Vachitaura pahurongwa hwemibiyaro yeAuxilia Chimusoro Awards, mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, vakati mari iyi ichabva pasi pechirongwa chehomwe yemutungamiriri wenyika yavo chePresident’s Emergency Plan for Relief, kana kuti PEPFAR.
VaWharton vanoti mari iyi ichashandiswa kuti vanhu vasarambe vachibatwa nehutachiona hweHIV pamwe nekusimbisa mabasa ehutano muZimbabwe.
Gore rino mubairo weAuxillia Chimusoro wakatorwa nesangano rinoshanda nevechidiki mukurwisana neHIV/AIDS reAfricaid uye sangano iri rakapihwa mubairo wemadhora zviuru zvishanu.
Mukuru wesangano iri, Amai Nicola Willis, vanoti sangano ravo richashandisa mari iyi kutsikisa mumhanzi unopa veruzhinji ruzivo pamusoro peHIV/AIDS.
Gore rino makwikwi aya akapindwa nevanhu nemasangano vakakunda mumakwikwi aya kubva muna 2000 apo akaparurwa.