Nzvimbo Inomirira Makombi Inoparurwa muHarare

  • Thomas Chiripasi

Zimbabwe Commuter Buses

Nzvimbo ichange ichimirira makombi yeCoventry Road Commuter Omnibus Holding Bay yavhurwa zviri pamutemo neChishanu uye kanzuru yeHarare yayambira kuti makombi acharambidzwa zvachose kupinda muguta kana akaramba kushandisa nzvimbo iyi.

Vachitaura apo vange vari kuvhura nzvimbo iyi zviri pamutemo, sachigaro wekomiti inoona nezvekushambidzika kwenharaunda, mukanzuru yeHarare, VaChris Mbanga, vati zvakakosha kuti vemakombi vashandise nzvimbo iyi kuitira kupedza nyonga nyonga muguta.

Nzvimbo iyi inokwanisa kuchengeta makombi anodarika mazana matanhatu panguva imwe chete.

Vati kana vemakombi vasingade kushandisa nzvimbo iyi kanzuru inosara isina mukana kunze kwekurambidza makombi kupinda muguta zvachose.

Vati hurongwa uhu hunoita kuti vemabhizimisi neivo vemakombi vaite basa ravo zvakanaka pasina kumanikidzika.

Meya weHarare, VaBenard Manyenyeni, vati hurongwa uhwu hwakanangana nekuchenura guta pamwe nekuona kuti vanhu vafamba zvakanaka.

Vati Vemabhizimisi vange vave kutiza muguta nekuda kwekuti mange musisafambike vakati kanzuru inoda kuti vanhu vaite mabhizimisi avo vakasununguka.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekunze kwenyika, VaChris Mutsvangwa, vati danho ratorwa nekanzuru rakanaka chose sezvo richipedza nyonga nyonga muguta.

Vange vakamirira vemakombi, VaShem Mberi, vati vachashanda nekanzuru uye vakarudzira vamwe vavo kuti vashande nekanzuru mukuchenura guta.

Pasi pechirongwa chekanzuru ichi, makombi ese anobva kumisha yekuchamhembe kweguta anoburutsira vanhu paCopacabana obva oenda kuna Coventry uko anozodeedzwa nemarhedhiyo kuti azotakura vanhu paCopacabana.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Irwin Chifera