VaObama Vorumbidza Chibvumirano cheZvombo zveNuclear

  • Blessing Zulu

President Obama

Mutungamiri weAmerica, VaBarack obama, vazivisa neChiripiri kuti nyika dzakabudirira dzichitungamirwa neAmerica dzanyorerana chibvumirano chinomisa Iran kugadzira zvombo zvemhando zvenuclear.

Chibvumirano ichi chaitika mushure memakore gumi nemaviri enhaurirano.

Nhaurirano idzi dzange dzichiitirwa kuVienna pakati peIran, America, Britain, France, Germany, Russia neChina.

Bazi reUnited Nations rinooona nezvezvombo, reInternational Atomic Energy Agency, ndiro richange richiongorora kuti chibvumirano ichi chatevedzerwa.

VaObama vati chibvumirano ichi munongedzo wekuti nhaurirano dzinoshanda kudarika kurwisana.

Mutungamiri we Iran, VaHassan Rouhani, vanoti chibvumirano ichi chikamu chitsva chaparurwa mukudyidzana nedzimwe nyika.

Gurukota rezvekunze kweAmerica, VaJohn Jerry, vayambira Iran kuti ikada kusatevedzera chibvumirano ichi inotemerwa zvekare zvirango zvehupfumi.

Asi kuti chibvumiramo ichi chitambirwe muAmerica, pachine mutambo sezvo dare recongress, iro rine nhengo dzakawanda dzinopikisa dzeRepublican Party, riri kutarisirwa kuvhota dzichipikisa.

Asi VaObama, avo vanotungamira maDemocrats, vanoti vachashandisa masimba avo kana kuti veto mukuona kuti chibvumirano chanderera mberi.

Iran ine hukama neZimbabwe sezvo nyika mbiri idzi dzakatemerwa zvirango neAmerica nenyika dzekumawirira kunyange hazvo paine musiyano pazvirango izvi.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika uye vaimboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthiopia, VaClifford Mashiri, vanoti zvirango ndizvo zvamanikidza Iran kuti inyorerana chibvumirano nedzimwe nyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaClifford Mashiri