Hurumende Yoramba Ichikwereta Mari

Dr John Mangudya

Bhanga guru renyika, re Reserve Bank of Zimbabwe, RBZ razivisa kuti mari iri kukweretwa nehurumende mumabhanga emunyika yakwira kusvika pamamiriyoni mazana makumi matatu nematatu nemasere emadhora kubva pamamiriyoni makumi manomwe nemashanu emdhora mukati memakore maviri apfuura.

Asi zvinonzi nyaya yekuti hurumende iri kutora mari yakawanda kubva kumabhanga iyi yave kupa kuti vemakambani vasare vasinawo mari yekukwereta.

Izvi zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi zvichapa kuti hupfumi hutadze kugadzikana.

Hurumende inonzi iri kukwereta mari yakawanda kuti ibhadhare vashandi vayo, uye zviri kukonzerwa nekuti hapachina mari yemitero iri kuenda kuhurumende sezvo makambani akawanda ari kuvhara.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxon Zembe, vanoti hurumende inofanira kuvandudza zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika nemitemo kuitira kuti ikwanise kukwezva vekunze.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLuxon Zembe