VaChamisa Vanoti Zvaburitswa ne Herald Manyepo

  • Ntungamili Nkomo

VaNelson Chamisa

Vaimbova murongi wemisangano muMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti havasi kuronga kupikisa zvakabuda musarudzo dzakaitwa pakongiresi yebato ravo.

VaChamisa, avo vakakundwa musarudzo dzekutsvaga munyori mukuru weMDC-T nevaimbove mutauriri webato, VaDouglas Mwonzora, vanotiwo hachisi chokwadi kuti vari kuronga kupikisa kukundwa kwavo mumatare edzimhosva.

VaChamisa vanoti aya manyepo, vachiti kana vaine zvichemo, vachazvikwidza kuvakuru vakuru vebato vachishandisa gwara remusangano.

Asi VaChamisa havana havo kuda kutaura kuti vane zvichemo here kana kuti kwete nemafambisirwo akaitwa sarudzo dzekongiresi yavo mukupera kwesvondo.

VaChamisa varamba zvakare mashoko aburitswa nebepanhau re The Herald ekuti vangangoumba bato ravo. VaChamisa vanoti inhengo yebato yechokwadi inoremekedza zvinoitwa nebato ravo, nokudaro havabudi mubato ravakavamba nevamwe vavo.

Vanhu vakawanda vakanga vakatarisira kuti VaChamisa, avo vakanga vadomwa nehutungamiri hwematunhu gumi nerimwe, vachakunda VaMwonzora avo vakanga vadomwa nehutungamiri hwedunhu rimwe chete.

Asi izvi hazvina kuitika uye zvakashamisa vanhu vakawanda.

VaChamisa ndivo vakaita mutungamiri wevechidiki wekutanga pakavambwa MDC muna 1999. Vakazoitwa mutauriri webato zvichitevera kubuda kwakaita VaTemba Paul Nyathi vachinoumba nevamwe vavo MDC yaitungamirwa naVaArthur Mutambara, iyo yava kutungamirwa naVaWelshman Ncube.

Izvi zvakaitika mushure mekupatsanuka kwebato iri muna Gumiguru 2005.

Mushure mezvo vakazoita munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano chinzvimbo chavanga vanacho kongiresi isati yaitwa mukupera kwesvondo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNelson Chamisa