ZEC Inoti Ine Sevha Inochetengerwa Zvaiswa muBRV

  • Blessing Zulu

Justice Rita Makarau

Sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Rita Makarau, vanoti sevha kana kuti dura rinochengeterwa zvinenge zvaiswa mumichina yeBiometric Voters’ Registration Kit inoshandiswa mukunyoresa vavhoti, riri kumuzinda wesangano iri muHarare.

Nyaya yesevha iyi yakonzera mutauro wakanyanya munyika zvakatopa kuti vebato reMDC-T vaende kumatare vachiti vanoda kuziva kuti iri kupi.

Amai Makarau vanoti sevha yakatengwa kubva kukambani yeLaxton Group.

ZEC yange isiri kubuda pachena kuti sevha iripo here kana kuti kwete ichipa mashoko akasiyana.

Sangano iri rakamboti riri kuda kutenga, rikazoti rine imwe tsaru asi ikozvino rave kuimba rwumwe rwiyo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Rita Makarau