Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, vaparura chirongwa chekuvaka muZimbabwe muzinda mutsva wenyika yavo vachiti chirongwa ichi chinoratidza kuti nyika yavo yakazvipira kuramba ichidyidzana neZimbabwe.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Irwin Chifera
Vachitaura panzvimbo ichavakwa muzinda uyu pedyo nenzvimbo yemabhizimisi yeWestgate Mall, VaWharton vati kuvakwa kwemuzinda uyu kuchatora makore matatu uye kuchapawo mabasa akawanda kuvanhu vemuZimbabwe pamwewo nekuwanisa mabhizisimisi emuno mari.
Vati muzinda uyu uchadya mari inodarika mazana maviri emamiriyoni emadhora kuuvaka, uye uchasimbisawo kudyidzana kweZimbabwe neAmerica.
VaWharton vatendawo hurumende yeZimbabwe nekuona kuti zvese zvinodiwa pakuvaka muzinda uyu zvatevedzwa.
Vati izvi zvange zviri kutitika kubva muna 2001 apo nyika yavo yakatenga nzvimbo iyi muna 2001.
Pari zvino muzinda weAmerica pamwe nemapazi awo akaita se Public Affairs, Center for Diseases Control nemamwe ari kushandira munzvimbo dzakasiyana siyana muguta umo ari kushandisa dzimba dzaari kubhadhara vanhu nemakambani akasiyana.
Muzinda mutsva uyo uchatanga kuvakwa mukati memwedzi mishoma iri kutevera. Uchange uine mahofisi emumiriri weAmerica, pamwe nemapazai awo pamwe nenzvimbo dzekutambira mitambo yakasiyana siya.
Meya veHarare, VaBenard Manyenyeni, avo vange vari pachirongwa ichi vatiwo zviri kuitwa neAmerica zvakanaka chose sezvo zvichisimudzira guta.
Asi pane vamwewo vari kuchema chema kuti muzinda uyu uri kuvakwa kure neguta zvichaita kuti avo vanenge vachida mavhisa ekuAmerica pamwe nezvimwe zvinopihwa kana kuitwa nemuzinda uya vanetseke nekufamba kuenda kumuzinda uyu.
Mumwe weavanhu ava ndaVa Simon Takawira avo vanotiwo zvaitwa neAmerica zvakanaka sezvo zvichiwanisa vanhu mabasa.
Chikamu cheBureau of Overseas Buildings Operations mubazi rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika, ndicho chichatungamira basa rekuvaka muzinda uyu chichibatsirwa nemakambani akawanda emuno neekuAmerica.
America yakavhura muzinda wayo muna 1980 pakawana Zimbabwe kuzvitonga.