MDC-T Yobhadhariswa $1M Kuti Dare Rizeye Matunhu Zana Ari Kupikiswa

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rave kumbozeya nyaya yekuti roenderera mberi here kana kuti kwete nekupikisa zvakabuda musarudzo zvichitevera danho ratorwa nedare re Electoral Court rekuti wese anoda kupikisa zvakabuda musarudzo, anofanira kutanga abhadhara zviuru gumi zvemadhora semamari yechibatiso.

MDC-T iri kupikisa zvakabuda musarudzo mumatunhu zana emu dare reNational Assembly.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti izvi zvinoreva kuti bato ravo rinofanira kubhadhara miriyoni imwe chete yemadhora kuti nyaya zana dzinzwikwe mudare rinoona nezvesarudzo.

VaMwonzora vanoti vakanyunyuta kudare iri asi vakaudzwa kuti anenge asina mari anofanira kubatisa imba, motokari kana mudziyo unokosha zviuru gumi zvemadhora.

VaMwonzora vanoti mari iyi yakawanda chose uye vanofunga kuti izvi zvaitirwa kuti MDC-T isaenderere nekupikisa zvakabuda musarudzo.

Vanoti izvi zviri pachena nekuti muna 2008 apo nhengo dzeZanu PF dzaipikisa zvakabuda musarudzo, dzakabhadhariswa mazana maviri emadhora semari yechibatiso, kana kuti security deposit.

VaMwonzora vakurudzira nhengo dzebato ravo kuti dzione hutungamiriri hwebato sezvo vari kuita musangano nemagweta wekuona kuti chii chavangaita.

Vakakwikwidza vakamiriraMDC-T kuMutare North, VaIrimai Mukwishu, vanoti zvaitwa nedare re Electoral Court zvinoratidza pachena kuti harisi kuda kuti nhengo dzeMDC-T dzienderere mberi nekupikisa zvakabuda musarudzo.