Mhirizhonga muMDC-T Yoferefetwa neVakuru muBato

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Mutori wenhau anoshanda ne Zimbabwe Independent, Herbert Moyo, anoti achiri kuzeya nevakuru vake nyaya yekurohwa kwake neChishanu nevanofungidzirwa kuti vachengetedzi vepamuzinda webato re MDC-T pa Harvest House.

Moyo anoti akarohwa mumusoro uye akazvuzvurudzwa achinzi adzime mapikicha aakange atora paHarvest House apo pairatidzirwa nevechidiki vebato iri. Moyo anoti akange asvika panzvimbo iyi achida kuita basa rekutora nhau semazuva ese asi akakatyamadzwa nemabatirwo aakaitwa.

Bato reMDC-T rinoti riri kuferefeta chiitiko chemhirizhonga iri kunzi yakaitika paHarvest House nekwaMutare uko kunonzi kwakamiswa kuenderera mberi kwesarudzo dzekutsvaga vachamirira bato musarudzo.

Zvinonzi vatsigiri vegurukota rezvedzimba, Va Giles Mutsekwa, vakarwisana nevari kutsigira gweta rine mukurumbira, VaArnold Tsunga. Zvinonzi mumwe kanzura wemuDangamvura akarowa zvakaipipisa uye pari zvino anonzi ari muchipatara maMutare.

Mhirizhonga iyi yakaita kuti sarudzo dzekuti VaMutsekwa vatambirwe kana kusatambirwa nehutungamiri hwebato dzimiswe.

Mutevedzeri wevanoona nezvekufambiswa kwemashoko mu MDC-T, Va Joel Gabuza, vanoti bato ravo harikurudzire mhirizhonga uye riri kuferefeta zviitiko izvi kuti riwone kuti ringatore danho ripi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naHerbert Moyo


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Joel Gabuza