Nhengo dze MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai dzinonzi dzapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare ramejasitiriti kwa Rusape zvichitevera kusungwa kwadzakaitwa svondo rapera.
Nhengo dzeMDC-T mbiri dzinoti Va David Tekeshe vanove mutevedzeri wemubati wehomwe mupurovhinzi yeManicaland, pamwe nenhengo yeboka revechidiki mubato iri, Va Willard Nyazorwe, vamiswa pamberi pedare ramejasiriti kwa Rusape neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekurova mapurisa pamwe nekuramba kusungwa.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
Muchuchisi wenyaya iyi, Va Tirivanhu Mutyasira, vanonzi vaudza dare kuti vaviri ava vakarova mapurisa zvakawomarara ndokuramba kusungwa neChishanu svondo rapera mushure mekunge nhengo dzeMDC-T dzakanga dzopemberera kupihwa mukana wekubvisa mari yachibatiso kwakanga kwaitwa Va Tazviona Marima vanove vanowona nezvekurongwa kwemisangano ku Makoni Central avo vakanga vari muhusungwa zvakare.
Pachiitiko ichi pakasungwawo vatori venhau vatatu avo vakazoregedzwa vasina mhosva yavapomerwa.
Gweta renhengo dzeMDC-T idzi, Va Taurayi Khupe, avo vanoshanda nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza Studio7 parunhare vari kwaRusape kuti vasungwa vaviri ava vanzi nemutongi wedare, Va Shingirai Mutiro, vabhadhare mari inoita mazana maviri pamunhu sechibatiso.
Va Khupe vati vaviri ava vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa idzi.
Vaenderera mberi vachiti vasungwa vaviri ava vapinda mudare vakakuvara zvakaipisisa zvichitevera kurohwa kwavakaitwa nemapurisa akanga akapakatira zvombo zvekuti vakatokumbira dare kuti vasungwa ava varapwe.
MDCT inoti yaida kuratidzira maRusape ichiti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanira kusiya chigaro sezvo vasisakwanise kugadzirisa hupfumi hwenyika pamwe nemamwe matambudziko akatarisana nenyika zvakazokonzeresa kusungwa kwaVa Marima nevamwe vavo vaviri ava.
Va Marima vanonzi vakasungwa mushure mekurohwa nemukuru-mukuru wemapurisa ma Rusape Dispol Gwangwava.
Hatina kukwanisa kunzwa divi raVa Gwangwava sezvo varamba kutaura neStudio 7 nezvenyaya iyi.
Asi bato iri rakatadza kuratidzira mushure mekunge mapurisa azvindikita vatungamiri vebato iri kwa Rusape pamwe nekumbochengetedza vatori venhau vatatu avo vakazoregedzwa vasina mhosva yavapomerwa.