Dare Rinoudza VaKunonga Kuti Vasiyane neZvivakwa zveAnglican Church
HARARE —
Dare repamusoro soro rapa mutongo wekuti Anglican Church - Church of the Province of Central Africa CPCA – Harare Diocese, ndiyo muridzi wezvivakwa zvose zvakanga zvatorwa na Bishop Nolbert Kunonga.
Izvi zvapa kuti zvivakwa zvose zvechechi iyi zvive pasi pa Bishop Chad Gandiya, vanova mukuru we CPCA – Harare Diocese.
Dare ratiwo VaKunonga havasi mukuru weAnglican Church muHarare.
Nyaya iyi yakanzikwa navatongi vanoti Justice Luke Malaba, Amai Vernanda Ziyambi naVaYunus Ormerjee.
VaKunonga nevamwe vavo vakabuda mu CPCA – Harare Diocese muna 2007 vachiti vakange vasingafarire zvechingochani, vakatanga svondo yavo yeAnglican Church of the Province of Zimbabwe.
Vakazodzingwa ne Anglican Church zviri pamutemo muna 2008, asi vakaramba vakabatirira zvivakwa nemidziyo yeCPCA kunyange hazvo vainge vabuda musvondo iyi.
Izvi zvakazoita kuti veCPCA vakwidze nyaya iyi kumatare edzimhosva, VaKunonga vakapihwa mvumo yekubata zvivakwa nemidziyo yose yechechi iyi. Asi veCPCA vakapikisa nyaya iyi kudare repamusoro soro.
Mwedzi wapera, dare iri rakapa zvakare mutongo waibvisa masimba aVaKunonga avakanga vazvipa, pamwe nekuti vasashandise midziyo yechechi iyi mumatunhu akasiyana siyana ari kunze kwe Harare Diocese.