HARARE —
Komiti yeparamende inoona nezvematunhu nemaguta inoti gurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, vanofanirwa kuongororwa maitiro avo mukumisa nekudzinga basa kwavari kuita makanzura ematunhu nemaguta. Komiti iyi inoti VaChombo vari kuita basa ravo vakarerekera divi rimwe.
Vachitura kudare reHouse of Assembly zvakabuda muongororo yakaitwa nekomiti yavo, sachigaro wekomiti iyi, Amai Lynette Karenyi, vanoti zvakabuda pachena kuti makunzura anenge aine mhosva dzakafana anorangwa zvakasiyana naVaChombo zvichendarana nekuti anobva kubato ripi.
Vanotiwo komiti yavo inoshushikana kuti VaChombo vanongodzinga mamwe makanzura zvisinei kuti vanenge vanzi nedare redzimhosva havana mhosva. Semuenzaniso, Amai Karenyi vanoti VaWarship Dumba, vaimirira Ward 17, pamwe naVaCasper Takura vaimirira Ward 20 muHarare, vakadzingwa basa zvisinei kuti vakawanikwa vasina mhosva panyaya yavaipomerwa.
Amai Karenyi vanoti komiti yavo inoda kuti makanzura ese anenge awanikwa asina mosva nematare adzorerwe pabasa.
Amai Karenyi vanotiwo kunyange hazvo VaChombo vakaudza komiti yavo kuti mapato ese ezvematongerwo enyika ane mukana wekudoma makanzura anomirira zvido, kana kuti special interest councillors, havana kumboudza mapato ezvematongerwo enyika nezvenyaya iyi.
Vanotiwo mumakanzuru ese munyika akadomwa naVaChombo sema special interest councillors, inhengo dzeZanu PF dzakakundwa musarudzo dzapfuura.
Vanoti semuenzaniso, VaEsau Mupfumi veZanu PF, avo vakakundwa musarudzo dzeseneti, vakasarudzwa naVaChombo kuve mumwe wema special interest councillors mukanzuru yeMutare.
Vatiwo kukanzuru yeMakoni, Amai Monica Chinamasa, mudzimai wegurukota rezvemutemo, vakadomwa zvakare kuve special interest councillor naVaChombo.
Amai Karenyi vati nekuda kwekuti pari kuitika huori zvikuru sei munyaya dzekupanana mabasa mumakanzuru, gurukota rezvematunhu rinofanira kutevedza mutemo pamwe nekuona kuti vese vanenge vaita huwori vanorangwa zvakafanana zvisinei kuti ndevebato ripi.

Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Irwin Chifera