IMF inoti hurumende ye Zimbabwe inofanira kuvandudza zvakare mitemo inobata nyaya dzevashandi pamwe nekuvhura makambani kuti hupfumi hwenyika husimukire.
Nyanzvi munyaya dzezveupfumi dzinoti danho reZIMRA rekubhadharisa mitero pane zvimwe zvezvigadzirwa zvinotengwa kunze zvakaita semagumbeze, mazai neupfu, inzira yekutsvaga nayo mari, uye kubatsira makambani emunyika.
Vadzidzi musangano reZINASU vanoti mapurisa arikutyora kodzero dzavo achishndisa mutemo weposa.
Britain yopa Zimbabwe mari inosvika mamiriyoni makumi matatu nemanomwe yedzidzo apo zvikoro zvovhurwa mangwana.
Muchirongwa chedu cheLivetalk NA8.30PM tiri kutarisa mutambo weAfrican Nations Cup wakatambwa nesvondo ukapera ari mangange- one kwa one.
Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 kilohertzs pa shortwave...uye paweb site yedu voashona.com
Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau dzaNhasi Gunyana 7, 2015