VaMugabe Vanoparura Chirongwa Chekuwanira Vanhu Chikafu

Your browser doesn’t support HTML5

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaparura neChina zviri pamutemo gwaro rinotara mafambisirwo achaitwa hurongwa hwekuti munyika muve nechikafu chakakwana pamwe nehutano hwakanaka, kana kuti food and nutrition policy. Vachitaura pakuparurwa kwehurongwa uhwu, VaMugabe vakurudzira masangano ekunze anobatsira nemari kuti abatsire Zimbabwe munyaya dzezvekurima kuitira kuti nyika ikwanise kurima chikafu chinokwanira vanhu vese vari munyika