Accessibility links

Breaking News

Gregory Isaacs Anochemwa muZimbabwe


Gamba remumhanzi we reggae rinoshaya nechirwere chogamarara repamapapu

Sezviri kuitikawo mumativi mana enyika pasi rose, vanhu vemu Zimbabwe vari kuchemawo kushaika kwemuimbi ane mukurumbira pasi rose, Gregory Isaacs, uyo akashaya muLondon kuBritain nemusi weMuvhuro, Gumiguru 25.

Isaacs akaita mukurumbira zvikuru kuburikidza nerwiyo rwunonzi Night Nurse kuma 1970s, asi rwiyo urwu ruchiri kufarirwa pasi rose kunge rwakaburwa nezuro.

Ku Jamaica zvinonzi vanhu vari kuchema zviri pachena kushaya kwaIsaacs, uyo aiva mumwe wevaimbi vakaita kuti nyika yavo ive nemukurumbira pasi rose.

Isaacs, mushakabvu Bob Marley, chikwata che Culture, Dennis Brown, Eric Donaldson. Jimmy Cliff nevamwe vaimbi ndivo vakaita kuti musambo we reggae uve nemukurumbia pasi rose.

Mwana waIsaacs, Kevin, anoti ari kutambudzika nekushaya kwababa vake.

Isaacs akashaya ava nemakore makumi mashanu nemapfumbamwe, uye asina vana vane chitsama nemudzimai, Linda.

Mutumbi waIsaacs uchatakurwa kubva muLondon uchiendeswa kuJamaica neMugovera. Zuva rekuradzikwa kwaIsaacs harisati ratarwa.

XS
SM
MD
LG