Accessibility links

Breaking News

Zvitunha Zvoworera muMamochari neKushaya Magetsi kuMasvingo


Zvinhu zvaita manyama amire nerongo pachipata chikuru mudunhu reMasvingo cheMasvingo General Hospital sezvo kudzimwa dzimwa kwemagetsi kwave kupa kuti mitumbi yevanhu iri mumochari iwore.

Chipatara ichi chatarisanawo nerimwe rekushomeka zvakanyanya kwemvura zvoomesera vanachiremba kuita basa ravo.

Mukuru webasa pachipatara ichi, VaShadreck Zangairai, vaudza Studio 7, kuti dambudziko remagetsi nemvura riri kudzosera kumashure zvakanyanya basa pachipatara ichi.

Vanoti pachipatara pari kuswera paine munhuwi wakaipa unobva kumochari nenyaya yekudzimwa kwemagetsi. Vakumbira ZESA kuti isavadzimire magetsi.

Vatiwo genareta ravainaro harisi kushanda zvakanaka sezvo rave kuremerwa nekudaro vanoda rubatsiro rwekutenga rimwe rinoti dhonzei.

Magetsi ari kudzimwa kunyangwe hazvo gurukota rinoona nezvemhando dzemoto VaFortune Chasi vakati ZESA hayaizodzima magetsi kunzvimbo dzose dzakakosha kusanganisira zvipatara nekunogayiwa mvura.

Panyaya yekushomekwa kwemvura, VaZangairai vatiwo chipatara chiri kutopemha kuti chikwanise kucheresa zvibhorani. Mumwe chiremba asina kuda kudomwa nezita ati kushaikwa kwemagetsi nemvura kuri kuvaomesera.

Dzimwe hama dzevarwere dzakaita saVaDreck Mujinga, dzinoti dzanzwa nekukumbira mvura kuvanhu vanogara mumusha weRhodene avo vari kutonetsekawo nekuiwana.

Studio 7 yashanyira chipatara ichi ikaona hama dzevarwere dzichipinda pachipatara nezvigubhu uye migomo yemvura.

Dhorobha reMasvingo rave nemwedzi yakawanda rakatarisana nedambudziko rekushomeka kwemvura zvichikonzerwa nekudzimwa kuri kuitwa magetsi kunocheneswa mvura kuBushemead Water Works. Mvura iyi inenge yadhonzwa kubva kudhamu reMutirikwi.

Mumwe murwere, VaKudzai Manatsa vari mu ward yevarume pachipatara apa nechirwere cheshuga vanoti kushaikwa kwemvura kuri kupa kuti zvimbuzi zvisashande zvakanaka.

Imwewo hama yemurwere , VaThomas Marume vanoti kushaikwa kwemvura kwavashaisa mufaro.

Mayor weguta reMasvingo VaCollen Maboke vanoti dambudziko remvura riri kukonzerwa nekudzimwa kwe magetsi neZESA vachiti vakambozama kutaura neve bazi iri asi zviri kuramba.

Vanachiremba pachipatara cheMasvingo ichi havana havo kuramwa mabasa sezvakaita vamwe muHarare neBulawayo asi vanoti havasi kushanda zvakanaka nematambudziko avasangana nawo aya.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG